Accessibility links

Breaking News

Dare Rorambidza Mapurisa Kudzivirira Vanhu VekwaChiyadzwa Kurangarira Vakaurayiwa pa"Operation Hakudzokwi"


Dare raMejastiriri rekwaMutare nemusi weChipiri rakarasa danho rainge ratorwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police rekudzivisa sangano reChiadzwa Development Trust kana kuti CCDT kurangarira kuurayiwa kunonzi kwakaitwa vanhu munharaunda yavo panguva yakawanikwa mangoda munzvimbo iyi.

Mapurisa nemauto anonzi akaparurwa chirongwa chainzi "Operation Hakudzokwi" muna 2008 apo vanhu vakawanda vanonzi vakapfurwa vakafa vachipomerwa mhosva yekuchera mangoda zvisiri pamutemo. Mandoda aya ainge aonekwa muna 2006.

Sangano reHuman Rights Watch rinoti vanhu mazana maviri vakaurayiwa nemauto aibva kuMechanized Brigade, Fifth Brigade ne One Commando. Vamwe vanhu vanonzi vakarumiswa nembwa vamwe vachiitwa kafiramberi.

Kurangarirwa kwevanonzi vakafa uye vakapona kuri kutarisirwa kuitwa musi wa 1 Mbudzi paBambazonke Business Centre kwaMarange. Sangano reCCDT rakazivisa mapurisa kuti raida kurangarira vanhu.

Asi musi wa 14 Gumiguru sangano reCCDT rakawana tsamba kubva kumapurisa kuti vasaenderere mberi nemusangano uyu. Mapurisa aiti sangano reCCDT raifanira kuuya netsamba yekuti rakanyoreswa kubva kuMutare Rural District Council.

Izvi zvakaita kuti gweta resangano iri riri nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights Amai Peggy Tavagadza vaende kudare. Vamwe vakaendeswa kudare igurukota rezvemukati menyika VaIgnatious Chombo, mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri uye mukuru wepakamba yemapurisa yeBambazonke. Vose ava vange vachipomerwa mhosva yekutyora bumbiro remutemo.

Amai Tavagadza vakati masangano akaita seCCDT haafanire kubatwa nemutemo wePublic Order and Security Act.

Dare rakati zvainge zvaitwa nemapurisa zvainge zvisiri pamutemo. Mapurisa akanzi asavhiringidze musangano uyu.

Hurukuro naAmai Peggy Tavagadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG