Accessibility links

Breaking News

VaCephas Msipa Voita Nhengo yeZanu-PF yeChipiri Kuramba Kuradzikwa kuHeroes Acre


Zimbabwe Heroes Acre
Zimbabwe Heroes Acre

Vaimbova gavhuna wedunhu reMidlands uye vari nhengo yePolitburo VaCephas Msipa avo vakashaya nemusi weMuvhuro kuchipatara cheWest End kuHarare vave kutarisirwa kuvigwa kumarinda edunhu reGweru kana kuti Gweru Provincial Heroes Acre pedyo nemudzimai wavo sechaive chido chavo. VaMsipa vanotarisira kuradzikwa nemusi weMugovera.

VaMsipa vakaitwa gamba renyika uye vaifanira kuradzikwa kumarinda eHeroes Acre muHarare. Asi hama dzavo dzinoti vakasiya vataura kwavanoda kuradzikwa.

Aka hakasi kekutanga kuti munhu aiita zvematongerwo enyika achiti haaadi kuvigwa pamarinda eHeroes Acre kunyangwe ainge aitwa gamba nehurumende yeZanu-PF.

Muna 2010 mhuri yaVaWelshman Mabhena yakaramba kuti vavigwe kumarinda eHeroes Acre vakazoguma vovigwa kuLady Stanley Cemetery kuBulawayo. VaMabhena vanonzi vakasiya vati havaida kuradzikwa kuHarare vakashaya.

Zvichakadaro, vaive mutauriri weZimbabwe People First mudunhu reMasvingo Retired Colonel Kudzai Mbudzi vakavingwa kumusha kwavo kwaNemamwa kuMasvingo.

Mashoko atiri kutambira anoti hurumende yaramba kubatsira mukuvigwa kwavo kunyangwe vaive murwi wehondo yerusununguko uye vaive muchiuto.

XS
SM
MD
LG