Accessibility links

Breaking News

VaCephas Msipa Voitwa Gamba reNyika


Zimbabwe Heroes Acre
Zimbabwe Heroes Acre

Vaimbova gavhuna wedunhu reMidlands uye vari nhengo yePolitburo VaCephas Msipa avo vakashaya nemusi weMuvhuro kuWest End Clinic muchipatara chemuHarare vaitwa gamba renyika. VaMsipa vakashaya zuva rimwe chete rashayawo muzukuru wavo Lloyd Msipa Junior uyo akaonekwawo akafa.

Vakawanda vange vachirumbidza VaMsipa semunhu aive nehutungamiri hwakanaka mune zvematongerwo enyika. Mumazuva avo ekugumisira VaMsipa vaikurudzira VaMugabe kuti vaende pamudyandigere uye vachiti havasi kufara nemamiriro aita nyika.

Asi kusawirirama mubato reZanu-PF kwabuda pakupa VaMsika chiremera chekuva gamba. Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa vakaudza vanhu vaichema VaMsika kuHarare kuti Politburo yaizogara pasi yoona kuti yovapa chiremera chipi.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakabva vasimuka vachiti vatungamiri kana kuti presidium, kureva ivo, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vange vatotara danho rekupa VaMsipa chiremerera chekuva gamba.

Vanhu vakawanda varatidza kurwadziwa zvikuru mushure mekunge mwana wavo Douglas azivisa paFacebook nezvekushaya kwaVaMsipa mambakwedza pane chimwe chipatara muHarare mushure mekunge varwara kubvira svondo rapera.

Mutungamiri webato reMDC VaWelshman Ncube vaudza Studio Studio kuti kunze kwenhoroondo yavo yakasimba yekurwira rusununguko VaMsipa ndemumwe wevatungamiri vashoma vaive mubato reZanu PF vaive nepfungwa dzekuvaka.

VaNcube avo vane purazi mudunhu reMidlands vati panguva yavaive gavhuna wedunhu iri VaMsipa vakakwanisa kuti varimi vechichena vane chitsama varambe vari pamapurazi avo zvisinei kuti hurumende yebato reZanu PF yaive yatora danho rekutora ivhu kubva kuvachena vose.

Mutauriri webato reZapu VaIphithule Maphosa vati VaMsipa muenzaniso wakanaka wemunhu aiita zvematongerwo enyika nenzira yakarurama vakatiwo vakapa muenzaniso wakanaka wekuziva nguva yekusiya zvematongerwo enyika apo vaigona kuramba vachienderera mberi.

VaMaphosa vati bato ravo rinoshora tsika yekuti bato riri kutonga reZanu PF ndiro rinozvipa masimba ekusarudza kuti ndiani angaita gamba renyika vakati vane chokwadi chekuti mupfungwa dzemunhu wese VaMsipa igamba renyika.

Mumwe mugari wemuBulawayo asi achibva kuZvishavane uko kwaibva mushakabvu VaBvuma Mhizha vaudza Studio 7 kuti kunyange havo vari munhu wechidiki, vakakura vachiziva nhoroondo yaVaMsipa yekuve munhu aiyananisa vanhu uye aishanda nesimba mukuedza kuunza budiriro munharaunda mavo pamwe nemunyika. VaMhizha vatiwo vanokudza tsika yaVaMsipa yekuve munhu aitaura chokwadi panguva dzose.

Mumwe wevatori venhau ave neguva achiita basa iri VaTapfuma Machakaire avo vakashanda vari mudunhu reMidlands vati vanorangarira vaMsipa ari munhu aizvininipisa achikwanisa kuwana nguva yekutaura chero naani zvake zvisinei kuti vaive munhu ane zvigaro zvikuru mumatongerwo enyika.

VaMsipa vane nhoroondo yakakura mukurwira rusununguko vari nhengo yeZapu uye ndemumwe wevanhu vashoma vaive nehukama hwakasimba nemutungamiri webato iri mushakabvu VaJoshua Nkomo pamwe nemutangimri wenyika VaMugabe vari mutungamiri weZanu PF.

VaMsipa vakave mumwe wevanhu vakashanda zvakasimba mukuyananisa mapato maviri aya eZapu neZanu PF kusvika pazoitwa chibvumirano cheUnity Accord mugore ra1987 mushure mekuuraiwa kwakaitwa zviuru nezviuru zvevanhu mumatunhu eMatabeleland neMidlands panguva inozivikanwa kuti Gukurahundi.

VaMsipa avo vange vave nemakore makumi masere nemashanu ekuberekwa vakashanda semutevedzeri wegurukota rezvevechidiki vakave gurukota rezvemvura vakazovewo gavhuna wedunhu reMidlands. Vakasiya zvemtongerwo enyika pakupera kwa2014.

VaMsipa vakadzidza paSiboza School vakazoenda kuDadaya Mission uko vakadzidziswa naMushakabvu Ndabaningi Sithole.

Vakazodzidzirawo basa reurairidzi vakadzidzisa kuShabanie neKwekwe. Vanhu vakaungana panhamba 77 Carrick Creagh Road ku Helensvale muHarare uye vamwe vari panhamba 57 Kopje Road kuGweru.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG