Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yochema Retired Colonel Kudzai Mbudzi


Musangano weZIMPF
Musangano weZIMPF

Vagari vemudunu reMasvingo pamwe chete nevemapato anopikisa vabatana mukuchema Retired Colonel Savious Kudzai Mbudzi avo vaizivikanwa munyika zvakanyanya nenyaya yekusaruma vachifuridzira mukushora kwavo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachikurudzira kuti vaende pamudyandigere.

Retired Col Mbudzi vakashaya muchipatara cheWest End muHarare mushure mekurwara kwenguva pfupi. Mufi aive mutauriri webato rinopikisa reZimbabwe People First uye vari chipangamazano chemutungamiri webato iri Amai Joice Mujuru.

VaThomas Gava vanoti, gwanza rasiwa naVaMbudzi mune zvemotengerwe enyika kunyanya kudivi revanopikisa Zanu PF richanetsa kuvhara.

“Masvingo yarasikirwa, murume uyu aibatanidza vanhu uye aiudza vanhu. Chokwadi. Akarwa hondo asi anga asingaregi kutsiura vanhu vaitadzira nyika uye aiita mabasa akawanda kuvanhu kusanganisira kuvavakira dzimba.”

VaJefferyson Chitando vaishanda naVaMbudzi ku ZimPF vanoti mufi raiva jinda raida kuti nyika ibudirire ichitongwa nejekere.

“Tine urombo nekurashikirwa namukoma mbudzi aiva munhu we ZimPF aitaura chokwadi aisagona kuti chakashata chichinzi ichokwadi uyezve aitaura pachena kuti zvavakarwira muhondo yerununguko zvanga zvatizwa nazvo na Mugabe.”

VaChitando vaudza Studio 7 kuti VaMbudzi vanovigwa neChipiri kumusha kwavo Kwa Charumbira kuNemamwa apo Amai Mujuru vari kutarisirwa kuzonyaradza mhuri yavo.

Mutauriri waAmai Mujuru VaJelousy Mawarire vaudza Studio 7 kuti vana vaVaMbudzi vari kutarisirwa kupinda munyika neChipiri uye vatenda kuti ndipo pachasvikawo Amai Mujuru vachichema navo.

VaMbudzi vaizivikanwa zvakanyanya nekusarova imbwa vakaviga mupini. Mashoko aya atsinhirwawo naVaTachiona Mharadzi Chiminya vebato reMDCT.

“Mbudzi aiva munhu wataishanda naye zvakanaka se mapato anopikisa uye aiva munhu ane zvivindi akashinga, isu se MDC taiziva kuti tine mumwe watinobatsirana naye nekuti aiva munhu wekuti akati ngatifambe nepapa aitorevesa uye hapana waitya kuti anozomudzivisa.”

Chinyorwa chakaverengwa nevakawanda chakanyorwa naVaMbudzi change chakanzi, “I beg your pardon Cde Grace.” Muchinyorwa ichi, VaMbudzi vaishora mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vachiti vainge vachikonzera kunetsana mubato. Aya ndiwo mazuva ainge amai Mujuru vainge vodzingwa mubato.

VaMbudzi vakati munguva yehondo vaiona nezvematongerwo enyika kana kuti ZANLA Political Commissar kuMaputo vachiti havana kumbobvira vaona muchakabvu Sally Mugabe vachipindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Munin’ina waVaMbudzi, VaMike Mbudzi vati mhuri yavo yarasikirwa nemunhu aibatanidza nekuibatsira.

“Semhuri aiva munhu aitibatanidza uye achitibetsera zvikuru mumatambudziko ataisangana nawo saka tarasikirwa zvikuru.”

Col Mbudzi vakasiya vanyora bhuku rinonzi the “National Grievances” iro ravakaparura ku Bulawayo mwedzi mishoma yapfuura.

Mubhuku iri vanorondedzera kuwondongwa kwakaitwa nyika naVaMugabe nebato ravo kubva mugore ra1980 apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere. Col Mbudzi vasiya vana vatanhatu nemudzimai.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG