Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naAmai Mujuru Vokwira kuSADC Kuti Ibatsire Kumisa Mhirizhonga Yoitika muNyika


VaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru
VaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti veSADC, African Union neUnited Nations vanofanira kupindira munyaya yekupambwa, kuitwa kafiramberi uye kushungurudzwa kwevanhu munyika zvinhu zvisati zvasvika pakaipisisa.

VaTsvangirai vaudzawo Studio 7 kuti ivo vakabatana nemutungamiri weZimbabwe People First Amai Joice Mujuru vakatosuma vatungamiri venyika dzemuSADC kuti munyika maberekera ingwe.

VaTsvangirai vati pakaitwa musangano weSADC muna Nyamavhuvhu kuSwaziland ndipo pavakatumira nhumwa.

VaTsvangirai varambawo nyaya yave kutaurwa nevamwe yekuda kudzosera kana varwisa nemapurisa vachiti hondo haina zvainobatsira nekuti kazhinji kunotsva matemo mipini ichisara.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG