Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo yeNAVUZ Yopambwa neKuitwa Kafiramberi muHarare neVanofungidzirwa Kuti Vasori


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Imwe nhengo yesangano rinomiririra vanotengesa mumigwagwa reNational Vendors Union Zimbabwe kana kuti NAVUZ iri muchipatara muguta reHarare mushure mekupambwa uye kuitwa kafiramberi nevanhu vaanofungidzirwa kuti vasori.

VaKudakwashe Kambakunje vakapambirwa mudhorobha reHarare vari pamusika pavo nevarume vanodarika gumi. Vaudza Studio 7 kuti vakavapamba ava vakaridza pfuti kutyisidzira vamwe vaitengesa pamusika vaive vauya kuzobatsira kuti vasatorwa zvechisimba mushure mekunge varidza mhere yerubatsiro.

Vatiwo vakavapambi ava vakazovasiya mushure mekuvaita kafairamberi vachifunga kuti vainge vafa.

VaKambakunje vakakururwa zvipfeko zvese zvavaive vakapfeka vakatorerwa chitupa chavo nenharembozha nevanofungidzirwa kuti vasori. Pamusoro pekurohwa nekuiswa magetsi VaKambakunje vakabaiwawo jekiseni ravasingazivi kuti nderei.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vari nhengo yeTajamuka VaSilvanos Mudzvova vakapambwa mazuva apfuura vakabayiwa jekiseni iri.

Amai vaVaKambakunje, Mary Kuzanga avo vachema zvikuru vachitaura neStudio 7 vati samai vekubereka varwadzikana zvikuru vachiona mwana wavo akakuvadzwa pamwe nekubayiwa jekiseni ravasingazivi kuti nderei.

VaTichaona Chifamba imwe nhengo yeNAVUZ varara husiku hwese vachitsvaka VaKambakunje avo vavazowana mumapurazi ari munzira inoenda kuMazowe vaudza Studio 7 kuti vawana VaKambakunje vakarohwa zvakaipisisa.

Sachigaro weNAVUZ, VaStandrick Zvorwadza vashoropodza zvikuru hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe iyo varikupomera mhosva yekupamba vanopikisa.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti varikushungurudzwa zvikuru nekutorwa kwevanhu nechisimba.

Bumbiro remutemo wenyika rinochengetedza vanhu kubva mukumbunyikidzwa zvechisimba nekutochwa asi vanorwira kodzero vanoti kunyangwe bumbiro richichengetedza vanhu, hupenyu hwavo huri parumananzombe nekuti mutemo mukuru wenyika uyu hausi kutevedzwa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kana gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaChristopher Mushowe.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG