Accessibility links

Breaking News

Dura reVatema Kana Kuti National Museum of African American History Rovhurwa naVaObama


 Smithsonian's National Museum of African American History and Culture muWashington DC.
Smithsonian's National Museum of African American History and Culture muWashington DC.

Dura renhoroondo yevatema muAmerica kana kuti National Museum of African American History and Culture riri kuvhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama nemusi weMugovera.

Imba yaigarwa nevatema vari muhutapwa
Imba yaigarwa nevatema vari muhutapwa

Chirongwa chekuvaka dura ichi chakatanga pasi pehutungamiri hwaVaGeorge W Bush uye ndiro dura renhoroondo idzva muWashington DC.

VaObama vachitaura kumuzinda wavo weWhite House muWashington DC nemusi weChishanu nezvedura iri vakati dura iri rakakosha zvikuru munhoroondo yeAmerica. Vakati rinonyatsotaurawo zvizere nhoroondo yevatema muAmerica.

Nyaya dzedura iri dzinotanga nekuendswa muhunhapwa kwevatema vachibva kunyika dzemuAfrica kusvika parizvino.

Vanorwira kodzero dzezvanhu VaJesse Jackson vanotiwo dura iri rakakosha zvikuru munhoroondo yeAmerica.

XS
SM
MD
LG