Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ozara Mudhorobha reChitungwiza Kudzivirira Vanhu Kuratidzira


Mapurisa anodzivirira nyonga-nyonga nemusi weChishanu akapinda Chitungwiza uye ange ari panzvimbo zhinji dzemabhizimisi mudhorobha iri zvisinei nekuti mapato anopikisa pasi pesangano reNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA ange amisa kuratidzira kwaange akaronga mudhorbha iri.Mapuerisa

Papinda Studio 7 mudhorobha iri panguva dzekuma9 mangwanani, mapurisa anodzvirira nyonga nyonga ange atozara mumusha weChitungwiza uye motokari dzinodira mvura inovava kana kuti maWater Canons dzange dzakamira mumisha mizhinji yakaita sekwaChigovanyika pamwe nekuSt Marys.

Mune mimwe misha yakaita seZengeza, kwaSeke pamwe nepaMakoni mapurisa ange aine tsvimbo nezvombo zvehondo ange achitenderera izvi zvavhundutsa vakawanda.

Mukuru weChitungwiza Residents Trust, VaMarvelous Khumalo vaudza Studio 7 kuti kupinda kwemapurisa anodzivirira nyonga nyonga mumusha weChitungiwza kwatadzisa vanhu vakawanda kuenda kubasa kuHarare sezvo vanhu vaange vachifunga kuti muHarare mange makazarawo mapurisa. VaKhumalo vanotiwo kana vanozviitira mabasa emaoko vakanganiswawo nhasi.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai muChitungwiza VaBernard Mazhindu vaudza Studio 7 kuti vashamisika kuti mapurisa auuya muChitungwiza akawanda zvinotyisa zvisinei nekuti NERA yange yamisa kuratidzira kwange kwakarongwa nhasi.

VaMazhindu vanoti vanhu vemuZimbabwe vari kushushikana zvikuru kuti mapurisa ave kurambidza vanhu kuratidzira kutsutsumwa kwavo.

Mumwe mugari wemuChitungwiza, VaCollin Kunaka vanoti vashamisika nekuita kwemapurisa uye vanoti vatadza kuita zvavange vachida kuita vakatya mapurisa.

VeNERA vanoti vambomisa kuratidzira vachiti vari kuda kutsvaga nzira dzekuti kuratidzira kwavo kungaite mutsindo sei. Vanotiwo nhengo dzavo dzakawanda dziri kusungwa uye mari yechibatiso iri kudiwa nematare yakawandisisa.

Sachigaro wekomiti yeNERA inoona nezvemutemo VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kupinda kwemapurisa muChitungwiza kunoratidza kuoma moyo kwemapurisa.

Vatiwo vafara chose kuti mapurisa nhasi ashandisa mari yawo kuenda kuChitungiwza kunyange hazvo pasina zvange zvichiitika ikoko.

Zvichakadai muHarare mapurisa ange akawanda mumigwagwa semazuva ose kunyange hazvo pasina kuratidzira kwaitika.

Kubvira pakatanga veNERA kuratidzira mapurisa ave kugara ari mumumigwagwa zuva nezuva sezvo ari kufungidzira kuti vanhu vanogona kuratidzira nguva ipi zvayo.

VeNERA vanoti vacharamba vachiratidzira kudzamara hurumende yavandudza mitemo yesarudzo kuti nyika iite sarudzo dzakachena.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG