Accessibility links

Breaking News

Dr Ibbo Mandaza neVeNERA Vopesana Pfungwa nezveRamangwana reNyika


Ibbo Mandaza
Ibbo Mandaza

Mutungamiri weBotswana VaIan Khama Seretse Khama vakakurudzira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vaende pamudyandigere nekuti kuramba vachitonga kuchapa kuti nyika iende kumawere.

Izvi ndizvo zvagarawo zvichitaurwa nevamwe vakaita seveTajamuka neOccupy Africa Unity Square nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe.

Asi nyaya yekuti nyika ingagadziriswe sei kana VaMugabe vakasiya basa yaunza kusawirirana munyika. Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa anoti panoda kuvandudzwa mitemo kuti paitwe sarudzo dzakachena.

Mapato aya abatana pasi pemubatanidzwa unonzi National Electoral Reform Agenda kana kuti NERA. Asi vamwe vakaita senyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Ibbo Mandaza vanoti panoda kuitwa kanzuru inombobata matomu pachigadziriswa matambudziko akatarisana nenyika kana kuti National Transitional Authority.

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti zveNTA hazvishande uye zvinangwa zvacho zvakangonanawo nezveNERA.

Hurukuro naVaIbbo Mandaza naVaObert Gutu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG