Accessibility links

Breaking News

Caps Inoti Ichayedza Kugadzirisa Matambudziko Akatarisana neVatambi Uko Dynamos Ichitatarikawo


Caps United
Caps United

Muridzi wechikwata cheCaps United VaFarai Jere vanoti vari kuyedza kugadzirisa nyaya dzemari dzemihoro yevatambi vechikwata chavo mushure mekunge vatambi ava vamboramba kutamba nhabvu neMugovera.

Caps neDynamos dzakabuditswa mumakwikwi emukombe weChibuku Super Cup mukupera kwesvondo.

Chikwata chakatanga kubuda iCaps United iyo yakarohwa 5-4 nemapenareti ne Tsholotsho Pirates mushure mekunge zvikwata zviviri izvi zvapedza mutambo uyu zviri mangange 1-1.

Mutambo uyu wakanonoka kutanga mushure mekunge vatambi veCaps United vaive vamboramba kupinda munhandare kutamba mutambo uyu vachichemera mari yavo yemuhoro yemwedzi miviri yapera iyo vasati vatambidzwa.

Asi pavakazobvuma kutamba, chikwata ichi hachina kukwanisa kutamba semazuva ese izvo zvakavarovesa ndokuvasiya vabuda muChibuku Super Cup iyo ine mari yakati wandei.

Kunyange hazvo vamwe vateveri veMakepekepe varikunyunyuta nemaitiro evatambi vavo ekuramwa basa musi wemutambo kune vamwe vakaita saVaProsper Muzanharwo vanoti Zimbabwe yaoma zvekuti hapana munhu anoda kushanda pasina muhoro.

Avo, ve Dembare vaipemberera kubuda kweCaps United, vakazosanganawo nazvo apo chikwata chavo chakabudawo mumakundano aya apo charohwawo zvekare 5-4 nemapenereti neHow Mine mushure mekunge zvikwata izvi zvaita mangange 0-0.

Izvi zvave kureva kuti Dynamos mwaka uno inopedza isina kana mukombe sezvo pavari pamamiriro etafura yePSL arikuratidza kuti zvemukombe weligi zvaramba.

VaEvans Gwere vanoti vanga vasingatarisire kuti vangabuditswe muChibukuSuper Cup .

Asi Highlanders ichirimo kupa makundano aya huremu mushere mekurova Mutare City Rovers 1-0 kuBabourfields Stadium.

Highlanders ndiyo yave kutarisirwa kutora mukombe uyu kunyange hazvo muchiri nezvimwe zvikwata zvine mutsindo zvakaita seFC Platinum iyo yakarovawo Chapungu 1-0.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu VaMunyaradzi Muhone vanoti vakafadzwa nematambiro akaita Highlanders kunyange hazvo isina kunwisa zvibodzwa zvakawanda.

Zvimwe zvikwata zvichirimo muChibuku Super Cup iNgezi Platinum Stars iyo yakadambura Hwange 3-1, ZPC Kariba yakarova Bulawayo City 1-0 pamwe neTriangle iyo yakabuda 1-0 paChicken Inn.

Rugby

Totarisa mumutambo werugby.

Chikwata chenyika chevanhukadzi chemaLadies Cheetahs chakapedza chiripachinhanho chechitatu mumakundano eAfrica Women’s Championships ayo akapera muHarare neSvondo.

MaLady Cheetahs nezuro akarova Uganda 24-0 kuti vapedze vari pachinzvimbo chechitatu. Makundano aya aive nezvikwata zvisere.

South Africa ndiyo yakatora mukombe uyu mushure mekurova Kenya 22-17 mufainari.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG