Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocheka Nyanga dzeZvipembere Kuti Zvisaurayiwa


Zimbabwe inonzi iri kuronga kubvisa nyanga dzezvipembere mazana manomwe senzira yekumisa vanhu vari kuuya kuzozvivhima zvisiri pamutemo.

Mukuru wesangano re Aware Trust Zimbabwe Amai Lisa Marabini vanoti sangano ravo riri kubatsira Zimbabwe kuita izvi.

Kubvisa nyanga imwe chete zvinoda mari inosvika chiuru nemazana maviri.

Nyanga dzenzou idzi dzinodiwa zvakanyanya kunyika dzekumabuda zuva uko kwadzinoshandiswa semushonga.

Sangano reWorld Wildlife Fund rinoti zvipembere makumi mashanu zvakaurayiwa muZimbbwe chete gore rapera.

Asi muAfrica yose kwakaurayiwa zvipembere zvinodarika churu nemazana matatu nemashanu.

XS
SM
MD
LG