Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakasungwa Vachiratidzira muHarare Vomiswa Pamberi peDare


Vasungwa makumi matanhatu nevapfumbamwe vanonzi vakakonzeresa mhirizhonga pakuratidzira kwakaitwa svondo rapfuura vamiswa pamberi pedare zvakare nhasi pavaenderera mberi nekusvitsa chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Magweta evasungwa ava aenderera mberi nekubvunzurudza mumwe mupurisa arikuferefeta nyaya iyi VaEnock Chakama avo vati vanoda kuti vasungwa ava varambe vari mujeri kudzamara nyaya iyi yatongwa vachiti vanogona kuzokonzeresa mhirizhonga kana vakaburitswa mujeri.

VaChakama vatiwo havana humbowo hwekuti chii chakaitwa nemusungwa umwe neumwe asi nekuda kwekuti vamwe vanonzi vakapara mhosva imwecheteyo havasati vasungwa varikuona zvakakodzera kuti vasungwa ava varambe vakavharirwa mujeri sezvo vachiti vanogona kuzosangana nevamwe vavo vasati vabatwa vakakonzeresa imwe mhirizhonga zvakare.

Rimwe gweta revasungwa ava, VaHarrison Nkomo vasvitsa kudare kuti VaJames Jemwa vanove mutori wenhau anoshanda akazvimirira hapana kana chimwe chete chavakawanikwa vainacho chinovapa kuti vanganzi vakapara mhosva yavave kupomerwa iyi. VaNkomo vatiwo kusungwa kwakaitwa VaJemwa vaitivawo pabasa vakangobatanidzirwa nevanhu varikufungidzirwa kuti vairatidzira.

Rimwe remagweta arikumirira vasungwa ava VaMusindo Hungwe vati vamwe vevasungwa ava vakangosungwa vari kumabasa avo vasinei nezvaiitika musi wairatidzirwa uyu.

VaChakama varamba kudoma mumhan'ari kana mumwe chete zvake panyaya iyi uye mupurisa mumwe chete zvake zvazopa kuti magweta audze dare kuti mupurisa uyu haasi munhu akavimbika sezvo mupurisa uyu ambenge audza dare kuti mapurisa anonzi akarohwa nevaratidziri pamwe nevanonzi vakapwanyirwa motokari dzavo vaizovhiringidzidzwa nevasungwa ava kana vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaHungwe vaudza Studio 7 kuti havasi kugutsikana nemhinduro dzavari kupihwa naVaChakama vachiti zviri pachena kuti vasungwa ava vanhu varikungonenedzerwa mhosva yavasina kupara.

Kubvunzurudzwa kwaVaChakama kwakatarisirwa kuenderera mberi mangwana pakatarisirwa nyaya kudzoka mudare zvakare.

Zvichakadai, mutongi wedare VaTendai Maher vatura mutongi wekuti vasungwa vawaniswe chikafu chakakwana kana vachinge vauya kudare zvichitevera chikumbiro chemagweta evasungwa ava.

Chikumbiro ichi chakasvitswa kudare nezuro mushure mekunge umwe musungwa akange avekudonha nenzara ari mudare uku vanowona nezvekuchengetedzwa kwevasungwa vachiramba kutambira chikafu kubva ku hama dzevasungwa pamatare.

Zvichakadai, mapato anopikisa hurumende anoti kumwe kuratidzira kuchaitika zvakare neChishanu svondo rino zvichitevera kutadziswa kwaakaitwa nemapurisa svondo rapera kunyangwe hazvo dare repamusoro re High Court rakanga raapa mvumo yekuratidzira vakachengetedzwa nemapurisa ayo akazozvindikita varatidziri.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG