Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzedu dzanhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 31, 2016.


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi varwara zvakapa kuti vabve kumusangano weSADC kuSwaziland nechimbi chimbi vachienda kunorapwa kuSingapore. Asi mutauriri wavo VaGeorge Charamba vanoramba kutaura neStudio 7 nezvenyaya iyi.

Mapurisa ozara mumigwagwa yemaguta makuru ose kuyedza kudzivisa vanhu kuratidzira.

European Union inoti Zimbabwe inofanira kuremekdza bumbiro remitemo nekumira kushandisa mhirizhonga kune vanenge vachiratidzira.

Vamwe vanhu vakasungwa svondo rapera vomiswazve pamberi pedare kusanganisa mutori wenhau James Jemwa.

Munhau dzemitambo tiri kutarisa gadziriro iri kuitwa neZimbabwe Warriors iyo iri kutamba neGabon mumutambo wekupedzisira weAFCON.

Muchirongwa cheLiveTalk-Diaspora Forum chatiri kuparura nhasi tichiita Chitatu choga choga na8.00 pm tiri kutarisa danho riri kutorwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvirikunze kwenyika pane zviri kuitika kumusha zvakafanana nekuratidzira kuri kuitwa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.

Misoro yeNhau, Chitatu, Nyamavhuvhu 31, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG