Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakasungwa Vachiratidzira Vorohwa Zvakaipisisa Vari Mujeri


Vanhu vanodarika gumi nevaviri vakasungwa musi weChitatu neChishanu pakaratidzira vanopikisa muHarare vakamiswa zvekare pamberi pedare vamwe vavo vakakuvara zvakaipisisa vachiti vakarohwa vari muhusungwa.

Gweta revasungwa ava VaJeremiah Bamu vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vati vamwe vapinda mudare ramajastiriti vakakuvadzwa musoro.

Mumwe mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe VaGift Siziba vanonzi havasi kukwanisa kushandisa maoko avo vose uye zviri kufungidzirwa kuti vakatyorwa mabhonzo.

Vanhu vanodarika makumi masere vakasungwa vakatanga kumiswa pamberi pedare neMugovera, Muvhuro neChipiri.

Mumwe mutori wenhau James Jemwa aripowo pavanhu vakasungwa vakamiswawo pamberi pedare. Gweta raVaJemwa VaHarrison Nkomo vati nemusi weChipiri vainge vachibvunzurudza mupurisa akavasunga.

Sangano reCommunity to Protect Journalists rashora zvikuru kusungwa kwaVaJemwa uye rati hurumende iri kuramba ichityora kodzero dzevatori venhau nekuvasunga nekuvarova apo vanenge vachiita basa ravo.

XS
SM
MD
LG