Accessibility links

Breaking News

Varimi Vakagariswa Patsva Voomerwa neHupenyu neKushaya Zvekurimisa


Varimi vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti nzara icharamba yakapfunya chesero munyika kunyange mvura yakanaya zvakanaka sezvo vasina mari yekutenga mbeu nefotereza.

Varimi vanoti mari dzavari kupihwa vatenga zvirimwa zvavo dzishoma zvikuru. Vanotiwo makambani akaita seGrain Marketing Board (GMB) ari kunonoka kuvabhadhara. Zvinhu zvanyanyawo kuoma nekuda kwekuti vemabhanga vari kuramba kuvakweretesa mari dzekurimisa nekushaya zvibatiso.

Varimi vanoti kuti vakwanise kudzokera muminda zvirimwa zvavo zvinofanirwa kutengeswa nemitengo yakanaka iyo inoita kuti vakwanise kurarama pamwe nekuzotenga mbeu nefotireza.

Varimi ava vanoti vanofanirwa kubhadharwa mari dzavo neGMB nenguva kuti vakwanise kutenga mbeu mvura isati yaturuka.

Murimi wekuDoma kuMhangura vaMunashe Mujeri vanoti varimi vakawanda kusanganisira ivo hapana chavati vagadzirira sezvo vasina mari yekutenga mbeu nefotereza.

VaMujeri vanoti havasati vapihwa mari yavo neGMB kuti vadzokere kumunda. Mumwe murimi wekuMakonde vaKhlupheko vanoti vamwe varimi vachatadza kudzokera kuminda nekuda kwekutorerwa zvekurimisa nemakambani akanga akavakweretesa mari dzavakatadza kudzosera.

Boka rinomiririra varimi reZimbabwr Farmers Union (ZFU) rinoti rakataura nevemakambani anotengesa mbeu nemafotoreza kuti rikweretese varimi zvekurimisa.

Sachigaro weZFU VaAbdul Credit Nyathi vanoti vakaita musangano nevose vane chekuita nekurima kuti vawane kuti vangayamure varimi nenzira dzakasiyana siyana dzinosanganisa kukweretesa mbeu nefotireza kuvarima sezvo mabhangi asingade kupa varimi zvikwereti vachiti havabhadhare.

Asi VaMujeri vanoti makambani anoyamura varimi kurima vanotoita kuti varimi vashandire pasina sezvo vachizoda mari yakawandisa kubvu kuvarimi kana vakohwa.

VaNyathi vanoti nekuda kwekushanduka kwekunza (climate change) boka ravo ririkudzidzisa varimi kuti varime mbeu dzinoda mvura shoma uye kuti vasiyanise mumera yavo kuti vawane goho guru.

VaKhlupeko vanoti masangano anomiririra varimi havasi kuita basa ravo nemazvo sezvo varikutadza kudzivirira varimi kuti vasatorerwe midziyo yavo nemabhangi uye kutaura nehurumende kuti zvirimwa zvavo zvitengwe nemutengo yakanaka.

Vanoongorora nezvekurima vanoti kuti varimi varime zvekudya zvinokwana munyika hurumende inofanirwa kuyamura varimi kuti vatenge mbeu nefotireza nemutengo yakaderera sezzvinoitwa kunedzimwe nyika dzakaita seZambia neMalawi.

Saga refotireza rinotengwa nemadhora makumi matatu nemadhora mashanu muChinhoyi rinotengwa nemadhora manomwe ($7) kuZambia.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG