Accessibility links

Breaking News

VeTajamuka Vokurudzira Kuramwa Mabasa neChitatu


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira reHash Tag Tajamuka/Sesijikile ne Hash Tag This Flag nemusi weMuvhuro akakurudzira vanhu kuti vasaende kumabasa nemusi weChitatu kana kuti Shutdown senzira yekuratidzira kwavanoti kutyorwa kweodzero dzevanh nehurombo huri munyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, VaHardlife Mudzingwa nhengo yaTajamuka/Sesijikile vakurudzira veruzhinji kuti vasapinde mudhorobha neChitatu. VeTajamuka/Sesijikile vakapa VaMugabe chiga chekuti vange vasiya chigaro pakupera kwaNyamavhuvhu vakakundikana kugadzirisa zviri kunetsa munyika kunyaya zvehupfumi nematongerwo enyika.

Vachibvunzurudzwa kuti zvii zvavachaita Nyamavhuvhu akapera VaMugabe vasina kuzivisa kuti vave kusiya chigaro kana kugadzirisa zviri kunetsa munyika, VaMudzingwa vaudza nhepfenyuro yeStudio 7 kuti vane chivimbo chekuti VaMugabe vakasabva pachigaro kupera kwemwedzi uno, havasviki mwedzi waZvita vachiri muhofisi.

VaKeith Mashayamombe mumwe mugari wemuHarare vatiwo vari kuzoteedzera zviri kurongwa nemasangano anorwira kodzero dzeruzhinji aya. VaMashayamombe vashora hurumende yaVaMugabe vachiipomera mhosva yekusateerera veruzhinji.

VaTatenda Chigwada vawedzerawo vakati vana veZimbabwe vanofanirwa kuzvisunungura mujere renhamo nekutyorerwa kodzero dzavo.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu aya ave kutosvitsa mwedzi miviri achiratidzira vachinyunyuta nekuoma kwaita hupenyu munyika, kushaikwa kwemabasa, hurombo pamwe nekwavanoti kuva nemutungamiriri wenyika asingateereri zvichemo zvavo.

Kusvika parizvino hurumende yaVaMugabe haisati yataura matanho aichatora kugadzirisa zvinyunyuto zveruzhinji. Kuratidzira uku kuri kuuyawo mushure memhirizhonga pakati pemapurisa nevaratidziri.

Vanotungamira Zanu-PF Youth League VaKudzai Chipanga vakazivisa kuti vachaona zvekuita nevari kuratidzira uku. Nekune rimwe rutivi sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kushorawo zvikuru

Kunyangwe zvazvo vamwe varatidziri vachiri kumatare edzimhosva uye vamwe vachtiti vari kurohwa nekushungurudzwa nemapurisa, veTajamuka vavimbisa kuti havazotye mapurisa kana vechidiki vesangano reZanu PF vanonzi varikutyityidzira avo vese vachazenge vachiratidzira.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe negurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika VaIgnatious Chombo vanoti vanopikisa vari kufuriwa nevekunze kuti vapidigure hurumende nekuratidzira uku. Asi vari kuratidzira vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG