Accessibility links

Breaking News

Dare Roramba Kupa VaMkwananzi neVamwe Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Mapurisa nemusi weChitatu akasunga vamwe vanhu vairatidzira panze pedare ramejastiriti muHarare apo painzwikwa nyaya yemutauriri wesangano re Tajamuka, VaPromise Mkwananzi nevamwe makumi matanhatu nevapfumbamwe vari kupomerwa mhosva dzekuita mhirizhonga muHarare svondo rapera.

Vatatu vakasungwa ava ndiVaPride Mukono vanoshanda nesangano reRural Teachers Union of Zimbabwe pamwe nemunyori musangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union, VaMakomborero Haruzivishe nemumwe watisina kuziva zita rake.

Vatatu ndevamwe vevanga vakatakura zvinyorwa zvanga zvichitsoropodza hurumende vari pamikova yematare. Vamwe vavo vakazongoita kaverevere pavakaona vamwe vavo vachisungwa.

Zvichakadaro, VaMkwananzi neumwe wavo wavari kupomerwa naye mhosva, VaBruce Usvisvo, vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekupisa motokari yeZBC pamwe nedzimwe mbiri dzemapurisa mukuratidzira kwakaitwa nevechidiki veMDCT. Mutongi wedare VaTendai Mahwe mukuramba kuvapa mukana wekubvisa mari yechibatiso vakati vangangokonzeresa mhirizhonga zvakare kana vakabuda mutirongo. Vati vaviri ava vadzoke kudare musi wa 12 mwedzi unouya.

Vamwe vasungwa gumi nevatanhatu vakasungirwa nyaya yekuita mhirizhonga musi umwechetewo vanyimwawo mukana wekubhadhara mari yechibhatiso nezvikonzero zvimwechetezvo.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, vanhu makumi matanhatu nevasere vakasungwa mukuratidzira uku vanzi vadzoke kudare nemusi weChipiri pachanzwikwa chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba.

Nyaya yevasungwa ava, avo vanosanganisira mutori wenhau anoshanda akazvimirira James Jemwa yakatadza kunzwikwa sezvo muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vakakumbira dare kuti vanoda nguva yekuti vagoshevedza mupurisa ari kuferefeta nyaya vasati vatanga kuizeya. Izvi zvatsinhirwa naVaHarrison Nkomo avo vari kumirira VaJemwa panyaya iyi.

Nyaya iyi yakatarisirwa kuenderera mberi neChipiri. Magweta ari kumiririra vasungwa ava anoti havana kuita mhirizhonga uye vazhinji vavo vakanga vasinei nekuratidzira kwakaitwa nevemapato anopikisa avo vainyunyuta kuti mitemo inobata sarudzo inofanira kuvandudzwa pamberi pesarudzo dzemuna 2018.

Vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vauya kuzonzwa nyaya idzi nhasi vanoosanganisira mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vamwe vevatevedzeri vemutungamiri weMDCT, VaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri pamwe nemunyori mukuru muMDCT, VaDouglas Mwonzora.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG