Accessibility links

Breaking News

America, Britain neCanada Dzoshora Mhirizhonga muZimbabwe


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Nyika nhatu dzekumawirira dzinosanganisira America, Canada neBritain nemusi weChishanu dzakaburitsa mashoko dzichishora zvikuru hurumende yeZimbabwe nekushungurudza vanhu vanoratidzira murunyararo.

Mumashoko awo, muzinda weAmerica, muHarare wakati hurumende iri kutyora kodzero dzevanhu pamwe nebumbiro remutemo nekusunga uye kurova vanhu kunonzi kuri kuitwa nemapurisa.

Aya mashoko atsinhirwa wo nemuzinda weCanada pamwe neweBritain. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr nkululeko Sibanda vaudza Studio 7 kuti kushorwa kweZimbabwe nenyika dzekunze kunoratidza kuti hadzisi kufara nezviri kuitika muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vakaramba kubvisa zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vakuru vehurumende yavo nevaive mutungamiri wenyika iyi VaGrorge Bush.

Hurukuro naDr Nkululeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG