Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuti muNyika Muchaita Mhirizhonga VaMugabe Vakasavandudza Matongero avo


Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute Dr Pedzisayi Ruhanya vanoti hurumende ikasagadzirisa matambudziko akatarisana nevanhu munyaya dzezvehupfumi nyika ichaguma yasvika kumazivandadzoka.

Opposition party supporters clash with police in Harare, Zimbabwe, Aug. 26, 2016.
Opposition party supporters clash with police in Harare, Zimbabwe, Aug. 26, 2016.

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vati zvave kuitika munyika hazvisi kuvashamisa nekuti vakagara vataura kare kuti hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe inenge yagumirwa.

Asi ko chii chaizvo chiri kukonzera mhirizhonga iri kuitika munyika? Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari chipanamazano musangano reHuman rights Watch VaDewa Mavhinga vanoti mapurisa ndiwo ari kukonzera kuti munyika muite mhirizhonga nekusatevedzera bumbiro remutemo.

Asi Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika Dr Ignatious Chombo vanoti handi chokwadi kuti mapurisa ari kukonzera mhirizhonga.

Zimbabwe yakatarisana nesarudzo muna 2018 asi dzime nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambira kuti pakasaita nhaurirano nyika ichaita mhirizhonga inotyisa.

Vesangano ravanaSorojena reThe Elders rine nhengo dzakaita sevaimbova munyori mukuru weUnited Nations Vakofi Anna, avaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaJimmy Carter nevamwe vari kukurudzira kuti SADC Ipindire kugadzirisa nyaya yeZimbabwe. SADC iri kusangana kupera kwemwedzi uno kuSwaziland.

Sangano reInternational Crisis Group rinoti kuti nyaya yeZimbabwe igadzirike zvave kuda kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri vasiye chigaro. Asi veZanu-PF vanoti VaMugabe havana kwavari kuenda.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG