Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anombochengetedza Vakuru veMachechi Vange Vachiratidzira muHarare


Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Mutungamiri wechechi yeZimbabwe Devine Destiny Bishop Ancelimo Magaya nevamwe vakuru vemakereke anoti Prayer Network of Zimbabwe, Zimbabwe Pastors Fellowship, Christian Voice neZimbabwe Christian eAlliance vakambochengetedzwa nemapurisa mushure mekuratidzira kwavakayedza kuita muHarare nemusi weChina.

Nhengo dzose dzemakereke aya dzainge dzichida kuratidzira idzi dzakazosara dzosvika panzvimbo yadzanga dzichifanira kusangana patozara mapurisa anorwisa mvongamupopoto ayo ainge achidzinga vanhu.

VaMagaya nevamwe vavo vashanu vavanga vachifamba navo vakasungwa pavanga voda kutanga kuratidzira panosangana migwagwa inoti Julius Nyerere naNelson Mandela ndokubva vapinzwa mumotokari yemapurisa vakaendwa navo.

Zvichakadaro, vatori venhau vaviri vanoti Obey Manayiti anoshandira bepanhau reNewsday pamwe naRobert Tapfumaneyi vakasungwawo pachiitiko ichi asi vakazoregedzwa mushure mechinguvana vasina mhosva yavapomerwa.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi vachiti vanga vasati varumwa nzeve.

Zvichakadaro, mapato anopikisa hurumende ashora kumbochengetedzwa kwaitwa Bishop Magaya nevamwe vavo achiti kuratidzira haisi mhosva pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika.

Mutauriri waAmai Joice Mujuru vebato reZimbabwe People First, VaJealous Mawarire, vati kusungwa kwaVaMagaya nevamwe vavo kutyora kodzero dzevedzisvondo.

Mashoko aVaMawarire atsinhirwa nemunyori mukuru muMDCT, VaDouglas Mwonzora.

VaMagaya nevamwe vavo vanga vachida kuratidzira vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika vachitiwo vachakurudzira nhengo dzeparamende kuti dzivhote kuti dzibvise mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro kana kuti impeachment kana VaMugabe vakaramba kuita nhaurirano nemapoka akasiyana-siyana kuti paedzwe kutsvagwa nzira dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

VaMawarire vatiwo havasi kufara nekuzadzwa kwaitwa mapurisa mudhorobha vachiti mapurisa ndiwo arikukonzeresa mhirizhonga.

VaMwonzora vati kushurungurudzwa kuri kuitwa varatidziri nemapurisa kwavapawo kuti vaende kumatare edzimhosva sezvo mapurisa asiri kuda kuti varatidzire neChishanu muHarare.

Mapato anopikisa ari kushorawo kurohwa kwakaitwa vanhu vakawanda nemapurisa pamwe nekusungwa kwevanhu makumi mashanu nevapfumbamwe vari kufungidzirwa kuti inhengo dzeMDC.

Vanhu ava vakasungwa mukuratidzira kwevechidiki veMDC Youth Assembly neChitatu vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neChishanu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG