Accessibility links

Breaking News

Chipata Pata Nhaka yeMakonzo Apo Nhengo dzeZanu-PF Dzotizazve Kuzeya Nyaya yeMapurisa muDare reParamende


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Nhengo dzeZanu-PF nemusi weChipiri dzakaramba zvekare kuzeya nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu dkunonzi kuri kuitwa nemapurisa.

Nyaya iyi yange yasimudzwazve nemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaNelson Chamisa vanova mumirira weKuwadzana East mudare reparamende.

Svondo rapera, nhengo dzeZanu-PF dzakaita zvimwe chetezvo dzikabuda mudare apo VaChamisa vakasimudza nyaya iyi. VaChamisa vanoti vane humbowo hunoratidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

“Ndine mavhidhiyo mana anoratidza mapurisa achirova vanhu. Ndinoda kuti dare reparamende riongorore mapurisa ose ari kupomerwa mhosva yekurova vanhu vainge vari muhusungwa vachiratidzira.”

VaChamisa vanoti vanoda kuti dare reparamende riongorore nyaya dzose dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dziri kupomerwa mapurisa.

Zvichakadaro, vechidiki vebato reMDC-T nemusi weChitatu vanoti vacharatidzira uye kuparura chirongwa che Hash Tag My Zimbabwe kana kuti #MyZimbabwe vachishora mapurisa avari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Vechidiki ava vachatanga kuratidzira kubva muna Julius Nyerere kusvika muna Jason Moyo. Panopera kufora uku vechidiki ava vachazoenda kumahofisi egurukota rezvemukati menyika kwavachasiya tsamba yenyunyuto.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG