Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaMuporofita Walter Magaya Yokonzera Mutauro muNyika


PHD Ministries
PHD Ministries

Vanonamata muchechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries kana kuti PHD inotungamirwa naProphet Walter Magaya vanoti nyaya iri kupomerwa VaMagaya yekubata chibharo inyaya yekuda kusvibisa zita ravo asi vamwe veruzhinji vanoti matare ngaambopihwa mukana wekuzeya nyaya iyi.

Pakasvika Studio 7 nemusi weChiiri pachechi yePHD Ministries mumusha weWaterfalls muHarare painge paine vanhu vashomanana vanga vachinamata uye vanochengetedza pachechi iyi varamba kuti vatori vedu venhau vapinde mukati titaure nevatendi vechechi.

Asi vamwe vakataura navo vasati vapinda muchechi iyi vakaita saAmai Mildred Chakanyuka avo vati vanogara mumusha weBudiriro muno mu Harare vanoti VaMagaya havanganzi vakabata munhu chibharo. Amai Chakanyuka vati havana nguva yakareba vachienda kuchechi iyi.

Asi mumwe weruzhinji watataura naye muWaterfalls makare, Muzvare Nancy Gonese avo vasingapinde chechi yePHD Ministries vati mukana wekuti VaMagaya vabate chibharo uripo sezvo vari munhu anogara achisangana nemadzimai akawanda muchechi.

Zvichakadaro, imwe nhengo yePHD Ministries, VaZakariah Chibaya, vatsinhira zvataurwa naMuzvare Gonese vachiti VaMagaya vanofanira kuzvichenura.

Mumwe mugari wemuHarare uye vari nhengo yePHD Ministries vangoda kudaidzwa nezita rekuti VaZindoga vati VaMagaya munhu ar ikurwiswa nevezvematongerwo enyika pamusana pechirongwa chekuvakira vanhu dzimba chavari kuita munzvimbo dzakawanda.

VaPhibion Chitakunye vanogara mumusha weWarren Park vati VaMagaya vane nyaya dzakawanda dzekuita nemadzimai dziri kugara chingotaurwa neveruzhinji saka vati nokudaro hazvishamise kuti vave kupomerwa mhosva yekubata chibharo.

Amai Netsai Janhi vekuMbare vaudzawo Studio 7 kuti zvisinei nekuti VaMagaya vane mhosva yavakapara kana kuti kwete, nyaya yakadai haitarisirwe kupomerwa mutungamiri wesvondo zvavati zvinoita kuti vamwe vanhu vasazode kutendeuka.

Amai Chakanyuka vati kunyange hazvo vachiti VaMagaya vanogona kunge vakachena panyaya yavakatrisana nayo, havawone sekuti VaMagaya varikuita zvinhu zvaMwari.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMagaya sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo. Gweta ravo, VaEverson Chatambudza vanga vachinziwo vaenda kuSouth Africa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG