Accessibility links

Breaking News

VaBanda Avo Vakaremera Voshamisa Vakawanda neMabasa Avo eMaoko kuDomboshava


Vakaremara vanoti vanokwanisa kuita zvinhu zvakawanda zvinoyemurwa neveruzhinji vakaramba vachiwana rutsigiro munharaunda mavanenge vagere.

Vakaremara ava vanoti vane chinangwa chikuru chekudzidzisa veruzhinji pamusoro pezvavanokwanisa kuita zvakanangana nekusimudzira nyika.

Baba Naison Sandiforo Banda avo vanogara kuDomboshava havaone. Vane mudzimai nevana vatatu vave kuzviriritira. VaBanda vakazvivakira musha wavo wakaisvonakisa, vakakaka vega waya yakaupoteredza.

Vakazocheresa mugodhi ndokuwaridza mapombi anotora mvura inopombwa neinjini ichienda kunoshandiswa muchimbuzi zvese nemumba. VaBanda vanogona kuchekerera miti iri pamba pavo, vasingaone kudaro. Vanoti hakuna chisingagonekwe nemunhu kana akangozvipira chete.

“Kuva munhu akaremara hazvirevi kuti munhu kunzi wafa. Kana uchikwanisa kusumuka uchishandisa nj’ere dzako unorarama,” Vanodaro VaBanda. Vanoenderera mberi vachiti “Iye zvino ndinokupa mufananidzo wekuti ndiri kurarama, ndine kagadheni kari kuseri kane muriwo. Ndinomuka ndichidiridza. Kana wane mvura zvinhu zvese zvinokuitira nyore saka handione kufa kwangu nenzara. Ndinotoraramawo chete mukati mevanhu vari kufa nenzara zvisinei ndisina mitezo isina kuringana nevamwe, asi ndinoshandisa pfungwa nemaoko angu.

Baba Banda vanoti hupenyu hwemazuvano hwakuda munhu anoshandisa njere pamwe nekuzvishingisa.

“Mvura iri pamugodhi apa ndakaisa submersible pump pasi saka inopomba mvura yoisa mu tank, tank yoisa reservoir yekuti ku toilet tine flushing system, mu garden ndinongovhura pombi ndodiridza ndakagara pasi sezvo unongoona zvandakaita. Mumba umo vadzimai vatova ne sink yekuti vanongovhura mvura vachisuka mapureti vari mumba. Iye zvino ndakapamhidzira mugodhi wekuti ndanga ndichida kuita garden rakati kurei asi pombi yacho ndoyandisati ndawana, ne tank ndozvasara,” VaBanda vanodaro.

Zviri kuitwa naVaBanda zvave kuyemurwa munharaunda mavagere zvekuti vakutodeedzwa nezita remadunhurirwa rekuti chipangamazano. Muvakidzani wavo atovewo nemugodhi neinjini inopomba mvura.

VaSandiforo Banda vanokurudzira wese akaremara kuti azvimiririre pamwe nekuzvitaurira.

“Inini pandiri ndinowacha ndega, ndochisa ndega, ndoisa mvura yangu whether pamoto kana pa stove yehuni ndonogeza. Ndikabika mumba umo kana kuti kufuraya kanyama katinenge tatenga zuva iroro unoona vana vachinanzva zvigunwe. Unobva waziva kuti sekuru ndivo vabika nekuti handisisina mwana ari pano, ndine vazukuru chete. Ndinobika nyangwe mai vachirwara kana vasingarware. Ndinotora hembe dzavo dzose. Kana ndichiti dzose wadziziva kuti dzinowachwa ndedzipi, ndinowacha, ndoyanika, ndovaisira mvura pamoto votogezawo,” Vanodaro VaBanda

Mudzimai vavo anoti madzimai ane varume vakaremara vanofanira kuvaremekedza nekuvakurudzira pane zvese zvavanenge vachiita kuitira kuti hunyanzvi hwavo hunyatsobuda.

“Ndinongoti ndimwari ari kuvapa nj’ere dzezvavari kubata pano. Iye zvino ndakutoshandisa sink, ndakutosuka mapureti mumba. Vanongogadzira mapombi avo, kana muriwo mu garden chaimo ndinototemha ndirini vachisima vega, iye zvino vanga vachitosima muriwo mu garden. Kana iyo imba iri pano Havana kumboiona vakangodhara chete kona yekuseri uko, asi zvese ndivo vari kuita vega pano. Vanhu vari kuhadzika nazvo kuti muri kurarama sei, vari kutombobvunza vanhu zveshuwa. Upenyu hwenyu huri papi?,” Amai Banda vanodaro.

Mashoko aVaBanda anotsigirwa naMai Praxedes Chadambura avo vanogara kwa Pasina, kuChigondo kuHwedza. Vakaremara makumbo ese uye vanofamba nemadondoro newheel chair. Vanopinda mumunda vachisakura vakapfugama vachitokohwawo sezvinongoita vamwe. Murume wavo akaremarawo zvekare. Vaviri ava vakavaka dzimba dzavo mbiri dzezvidhinha dziri kuyemurwa mumusha maPasina. Mai Chadambura vanoti vakaremara vanofanira kushandisa njere kuitira kuti vawane ruremekedzo.

“Ngatiregei kugarira maoko. Kana tikawana cent ngativakei misha yedu, tiregere kuramba tichingotarisira kuti tinongoramba tichingopihwa chete. Tinoda kupihwa asi tinoda kuwedzererwa pane zvatinenge tinazvo kuti tipunduke, tibve patinenge tiri. Ivowo vehurumende vacho, vasumukewo vachiuya kuzoona varemara vacho ivavo vaonewo kuti vane zvavanokwanisawo kuita,” Vanodaro Mai Chdambura.

Mai Chadambura vanoti munhu wese akaremara anofanira kuve nechivimbo chekuti anokwanisa kukunda pane zvinangwa zvaanenge ainazvo.

“Ground rakanga riripo takazokwanisa nemurume wangu ndobva tati ah iwe ngatibatsiranei kufunga naamai vachitibatsira kuwedzera pfungwa dzatinenge tiinadzo vachiti rovai zvidhinha torova zvidhinha. Ndobva takwanisa kusumudza kitchen ne bedroom racho. Saka iye zvino ndiri kutarisa kuti ndisimudze imwe kitchen nerimwe bedroom kuti tione kuti development yedu inosimuka sei?,” Mai Chadambura vanodaro.

Vamwene vaMai Chadambura, Mbuya Pasina vanoti vemunharaunda vanofanira kupa rutsigiro kune vakaremara vakaona pane zvavanenge vachishingairira kuita.

“Inini pandakaona vadanana ndakati mwari ane chinangwa nekuti kugara kwese kwandakaita, kuremara kwese kwakaita mwana wangu, akakura musoro saka vanhu vakanga vasingamudi,” Vakadaro Mai Chadambura.

Vanoenderera mberi vachiti, “Akatora nguva yakati rebei asina mukadzi. Ndakatambudzika zvekuti ndaishaya kuti ndodii mwana uyu ndikafa ndichimusiya asina munhu zvinozoita sei. Achiuyisa mukadzi uyu mwoyo wangu wakafara nekuti ndakaona kuti mwana wangu uyu ane munhu wekutaura naye, aane munhu wekuronga naye. Ndikaonazve kuti muroora wangu uyu kurima anorima, asi chinonetsa ndechekuti mumabvi umu zvidhongi zviri kubaya pakusakura paya, asi anosakura. Ndakatoona kutoti zvakatoiswa namwari kuti ivo vadanane, kuti ivo vagare vese. Nekuti kwakaita vanhu vakawirirana.”

Baba Sostain Moyo vekuChitungwiza vanoti hurumende nemakambani akazvimiririra vanofanira kusimudzira vakaremara pane zvishuvo zvavo. Pari zvino vaMoyo, avo vane kambani yavo yekushambadza zvinogadzirwa nevane hunyanzvi hwemaoko vari kushanda pamwechete nesangano reNational Council of Disabled Persons of Zimbabwe, NCDPZ, muChitungwiza makare kusimudzira vakaremara vanenge vane zvigadzirwa zvavo.

“Saka inini chinangwa chechirongwa changu ndechekuti ndibatsire vakaremara kuti vadzidze kuti vanhu vanogona kugadzira zvinhu zvinoshandura magariro evanhu pasi rese nemagariro avo ivo pachavo,” Vanotiwo, “Saka vanhu vanoda kungopihwa munongedzo wekuti kana uchida kuti zvinhu zvako zvaunogadzira zvikuunzire mari unozvifambisa wakadai wakadai. Business kuti rinzi business rinetenge richiunza mari. Saka chinangwa changu ndechekudzidzisa kuti ungaite sei kuti zvinhu zvako zvisvike kune vanhu vanotenga zvaunogadzira.”

Mukuru wesangano reNCDPZ, Mai Farai Cherera vanoti zvakakosaha kuti vakaremara vane hunyanzvi vakurudzire vamwe vavo kuti vave neraramo ine pundutso.

“Vanhu vanoda kurarama hupenyu hwavo vasina mumwe munhu avakatsamira. Saka independent living ndiyo inotodiwa. Unenge uchitotsvaga kuti dai wave nechirauro chekuti uraure hove, urarame uri wega. Chakudiwa mumararamiro edu edevelopment ndechekuti ndingawane kupi zvekuti ndishandise kuti ndirarame ndiri ndega. Isu tiri vanhu vakangofanana nevamwe vanhu,” Mai Cherera vanodaro.

Zvikaramba zvakadai, vakaremara vachishingaira kushandisa hunyanzvi hwavo sava Sandiforo Banda namai Chadambura, remangwana ravo richange rakajeka.

Nyaya Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG