Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vokurudzira Kuumbwa kweKomiti Inenge Yakafanobata Matomu muNyika


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Zvimwe zvizvarwa zvemuZimbabwe zvave kukurudzira kuti kuumbwe kwechikwata chevanhu vanofanobata matomhu vachitungamirira nyika kusvika kwaitwa sarudzo kana kuti National Transitional Authority.

Zvizvarwa zveZimbabwe izvi, izvo zvinozviti Platform for Concerned Citizens zvakaudza vatori venhau muHarare nemusi weChitatu kuti Zimbabwe yakatarisana nematambudziko makukutu uye akasagadziriswa nyika inogona kutodzika zvakanyanya kuenda kumawere pamwe nekuva nehondo.

Zvizvarwa izvi zvinoti sarudzo kana hurumende yemubatanidzwa handizvo zvingagadzirise nyika. Vana veZimbabwe ava vanotiwo kunyangwe VaMugabe vakataura avachasiira matomu pari zvino, hazvigoni kugadzirisa nyika iyo ine hupfumi hwawondomoka, uye zvizvarwa zvakawanda zvisiri kugutsikana nehurumende yavo.

Doctor Ibbo Mandaza inhengo yePlatform for Concerned Citizens. Vanoti zvizvarwa zveZimbabwe, vedzisvondo, masangano akazvimirira pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika vanofanirwa kugara pasi vosarudza vanhu vangabudise Zimbabwe mumatope mairi kusati kwaiitwa sarudzo.

Imwe nhengo yePCC VaBriggs Bomba vatiwo vanhu vanofanira kufanobata matomu ava vanofanirwa kuve vasina bato ravakarerekera, vakati izvi zvinobatsira kuti kuitwe sarudzo dzejekerere dzisina bopoto izvo zvinozosimudzira nyika.

Amai Tsitsi Dangarembwa vanova munyori ane mukurumbira munyika vaudza Studio 7 kuti National Transitional Authority inogona kugadzirisa matambudziko emunyika sezvo zviri pachena kuti vezvematongerwo enyika vakundikana.

Mune imwewo nyaya vakapedza zvidzidzo zvepamusorosoro vasina mabasa vati vari kuzoratidzira musi wa3 Nyamavhuvhu kunyunyuta kwavo pamusana pekushaikwa kwemabasa pamwe nekuondomoka kwehupfumi.

VaSamuel Meso avo vati vakadzidzira zve Industrial and Manufacturing Engineering, vati vanoda kuonana naVaMugabe kuti vavabatsire nemazano ekuti nyika ingagadziriswe sei. Vakurudzira mukuru wenyika kuti ateerere vanhu vari kuchema.

Muzvare Michelle Mugoronji vakadzidzira Chemical and Process Systems Engineering uye vati kunyangwe zvavo vachiziva kuti hurumende yaVaMugabe inodashura vazhinji vanoratidzira, vati nhamo ndiyo yovosunda kuratidzira.

VaHoward Madya, mumwe wavanamuzvinafundo vaudza Studio 7 kuti vakatotumira tsamba kuna VaMugabe kuti vazosangana nevasina mabasa ava kuitira kuti vanzwe zvichemo zvavo, vakati vaita zvetsamba nenyaya yekutya kushungurudzwa vasati varatidzira.

Vasina mabasa ava vati vachange vachiratidzira pamwechete nevabereki vavo vakavaendesa kuchikoro vachitarisira kuzochengetwawo. Mapoka akasiyana siyana muZimbabwe ange achi ratidzira uye ruzhinji rwuri kutsutsumwa nehutongi hwehurumende yaVaMugabe.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG