Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ombunyikidza Mwana Ane Mwedzi Mitanhatu Achimanikidza VaMahiya Kuzvipira kuKamba Yavo


VaDouglas Mahiya
VaDouglas Mahiya

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya nhasi vachengetedzwa nemapurisa avo vanonzi vange vachiferefeta kuti ndiyani akanyora gwaro rakaburitswa nesangano ravo iri raikurudzira kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye nekutadza kutungamira.

Asi zvinonzi mapurisa manomwe aenda kumba kwavamahiya kuChitungwiza uko asvikovhara magonhi ose mumba mange muine vanhu vashanu kusanganisa kacheche kane mwedzi mitanhatu akabvuta nharembozha dzose achiti hapoana aizobuda pamba apa kusvika vamahiya vazvipirira kumapurisa eHarare Central Police Station.

Gweta raVaMahiya VaCharles Nyika vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vatorwa nemapurisa.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG