Accessibility links

Breaking News

Amai Chimene Voshora VaMutsvangwa neVamwe Vavo neNyaya yeKuti VaMugabe Ngavasiye Basa


Amai Mandi Chimene
Amai Mandi Chimene

Gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland amai Mandi Chimene vashora zvikuru vakuru veZimbabwe National Liberation War Veterans Association kana kuti ZNLWA nekushora kwavakaita mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChina vachiti varasika gwara rehondo yeChimurenga uye vave kufanira kusiya basa.

Vachitaura neStudio 7, amai Chimene vakati vanhu vari kuzviti vakarwa hondo ava havana hondo yavakaona kunyangwe vazhinji vacho vakangoenda kuMozambique hondo yave kupera.

Amai Chimene vave kuzvitowo ndivo vakafanobata chigaro chasachigaro wesangano revakarwa hondo reZNLWA. Nyaya yavo yekuti vainge vachitungamira sangano iri yakambonzi haisi pamutemo nedare repamusoro reHigh Court. Izvi zvakatevera kunetsana kwavo nasachigaro weZNLWVA VaChristopher Mutsvangwa.

Amai Chimene vanoti VaMutsvangwa nemunyori mukuru wesangano iri VaVictor Matemadanda havachisiri nhengo dzebato reZanu-PF uye havakwanise kutungamira sangano iri. Mumashoko avo mushure mekuita musangano neChina, vakarwa hondo ava vakati hurumende yaVaMugabe iri kuita zvehuori.

Vakatiwo VaMugabe vanoita zvehumbimbindoga mumatongero avo. Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe VaGeorge Charamba avo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Hurukuro naAmai Mandi Chimene
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG