Accessibility links

Breaking News

Musangano weILO Woudzwa Kuti Kusamira Zvakanaka kweZvinhu muNyika Kwopa Kuti Vanhu Vagume Vave muHunhapwa


Masangano anomirira vashandi nevashandirwi akomekedza hurumende kuti igadzirise zviri kunetsa munyaya dzehupfumi munyika kuitira kuti vashandi vemuZimbabwe vasaende kune dzimwe nyika kwavanonzi vari kunobatwa senhapwa.

Vachitaura pamusangano wakaitirwa muHarare nemusi weChina wekutsvaga nzira dzekupedzwa kwedambudziko revashandi vanonobatwa zvisirizvo waitirwa muHarare, mukuru anomirira sangano reInternational Labor Organization muZimbabwe nekuNamibia, Amai Hapolang Phororo vati Zimbabwe inofanira kugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehupfumi kuitira kuti veruzhinji vade kugara munyika yavo.

Mashoko aAmai Phororo atsinhirwa nemutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, kana kuti EMCOZ, VaJohn Mufukare.

VaToendepi Dhure avo vanoshanda nesangano rinomirira vashandi vemudzimba reZimbabwe Domestic and Allied Workers Union, kana kuti ZIDAWU, iro riri pasi peZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, vati hupfumi hwenyika kana husina kumira zvakanaka vanhu vazhinji vanopedzisira votiza munyika vachinotsvaga chouviri zvinoitawo zvakare hupfumi hwenyika yavanenge vatiza hurambe huchienda kumawere sezviri kuitika muZimbabwe parizvino.

VaDhure vatiwo chimwe chinoda kugadziriswa inyaya yekuti maindasitiri ese akavharwa avhurwe kuitira kuti veruzhinji vawane mabasa.

Zvichakadai, munyori mubazi rezvevashandi, VaNgoni Masoka, vati hurumende iri kuedza pose painogona napo kugadzirisa matambudziko akatarisa nenyika kuitira kuti vashandi vemuZimbabwe vasazowanikwa vachienda kune dzimwe nyika kwavari kunobatwa muhutapwa.

VaMasoka vaudza Studio 7 kuti pane madzimai gumi nematatu asvika munyika nhasi achibva kuKuwait ayo anonzi aibatwa senhapwa kwavaishanda mudzimba.

Vanhu gumi nevatatu ava vanobva vaita kuti madzimai akabatsirwa nehurumende kubva muhutapwa mavanga vari kuKuwait vasvike pazana nevaviri.

VaMasoka vati madzimai ese arikuuya kubva kuKuwait aya ari kubatsirwa nechikafu pamwe nemabasa emawoko kuti vawane pekutangira.

Musangano wezuva rimwechete uyu urikupindwa nevanhu varikubva muhuruemende pane nevekune dzimwe uye nevesangano rinowona nezvekufamba kwevanhu reInternational Organization for Migration kana kuti IOM.

XS
SM
MD
LG