Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yave Kumbomira Kupa Vanhu Marezinesi eKutepfenyura


Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko nekutepfenyura, Dr Chris Mushowe, vanoti hurumende inogona kumbomira kupa marezenezi ekutepfenyura kumaredhiyo zvichitevera kutadza kuenda pamhepo kwemarhedhiyo matanhatu pamaredhioyo masere akapihwa marezeni muna 2013.

VaMushowe vakaudza nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko mudare reparamende nemusi weChina kuti zvinhu zvakaoma munyaya dzezvehupfumi uye zviri kubatawo vemaredhiyo uye vanofunga kuti zvingave nane kuzotanga kupa marezenisi kana zvinhu zvagadzikana munyaya dzeehupfumi.

VaMushowe vati pane vemaredhiyo masere vakapihwa marezenisi muna 2013, maviri chete anoti Diamond FM yekwaMutare yeZimpapers ne Ya FM yeRay of Hope yekuZvishavane ndidzo dzega dzakakwanisa kuenda pamhepo.

Mutemo unosungira kuti redhiyo ienda pamhepo mukati megore nemwedzi misere yapihwa rezenesi. Kana izvi zvikasaitika rezensi rinobva ratorwa.

Maredhiyo station anoti Faya FM yekuGweru ne Gogogoi FM yekuMasvingo eAB Communications, Breeze FM yeku Victoria Falls neSkyz Metro FM yekuBulawayo ekambani yeFairtalk Communications pamwe ne Nyaminyami FM yekuKariba neKE100.4E yemuHarare ekambani yeKingston ndiwo asati aenda pamhepo uye VaMushowe vati achatorerwa marezenisi mwedzi miviri inotevera kana akasaenda pamhepo.

Vanoona nezvekutepfenyura musangano reMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe Chapter muzvare Kholiwe Nyoni Majama vanoiti zviri kuda kuitwa nehurumende hazvina kunaka uye uye Zimbabwe Broadcasting Authority ingadai yakaongorora kuti makambani aya ane mari here isati yaapa marezenesi.

Vanotiwo mari yakabhadhariswa makambani neveBAZ yemadhora zviuru zvinomwe kuti apihwe marezenisi yakawandisa zvikuru.

Mukuru weMediaCentre, VaEnerst Mudzengi vaudzawo Studio 7 kuti izvi zvinoratidza pachena kuti vanhu kana kuti makambani akapihwa marezenisi ange asingakodzeri.

Kana nhengo dzeparamende dzatiwo dzakashamiswa kuti kambani yakaita seKingstons ingapihwe rezenesi rekutepfenyura asi iyo ichitoomerwa nebasa rekutengesa mabhuku.

Zvichakadai VaMushowe vati hurumende ichapa marezenisi emaredhiyo ekumatunhu kana kuti macommunity radido stations kana chirongwa cheDigitilisation chichinge chapera. Chirongwa ichi chaifanirwa kunge chakapera muna Kurume gore rino uye chakatadza kupera nekuda kwekushaikwa kwemari.

Gurukota rezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa vakaudzawo komiti iyi kuti hurumende haina mari yekuita chirongwa ichi uye havazivi kuti mari yacho vachaiwana rini.

Vati pari zvino hurumende ine chikwereti chemamiriyoni makumi maviri kukambani iri kuita chirongwa ichi uye iri kutsvaga mari yekubhadhara kambani iyi.

Muzvare Majama Nyoni vanoti mashoko aVaMushowe anoratidza pachena kuti hurumende haisikuda kupa marezensi enhepfenyuro dzematunhu.

Chirongwa cheDigitilisation chinoita kuti nyika ikwanise kuva nhenhepfenyuro dzemaredhiro neterevhizheni dzakawanda. Zimbabwe inoda mamiriyoni mazana maviri emadhora kuita chirongwa ichi asi nyanzvi dzinoti mari yacho ichawedzera kana chirongwa ichi chikasaitwa nekukasika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG