Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo vanoti VaMugabe Ngavasiye Basa neKuti Vakundikana


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakundikana kutonga nyika uye havasi kuzovatsvagira rutsigiro musarudzop dzose dzinotevera.

Sangano iri rakaita musangano kuRaylton Sports Club muHarare nemusi weChina rikaburitsa gwaro kuvatori venhau kana kuti Communique vachiti vaneta nekutsigira munhu asiri kuzadzikisa zvido zvavo.

Vakarwa hondo ava vati VaMugabe vatadza kurwisa nyaya dzehuori uye vari kusiya vakarwa hondo vachinonga svosve nemuromo.

Gwaro iri ratiwo vakarwa hondo vari kudzingwa mubato uye kudzvinyirirwa. Vatiwo VaMugabe ndivo havo vega nevamwe vashoma vavari kushandisa vakagara zvakanaka vamwe vakarwa hondo yerusununguko vachitambura.

VaMugabe vapomerwawo mhosva yekupesanisa vanhu kuti ivo voga varambe vachitonga. Vakarwa hondo ava vatiwo VaMugabe vari kushandisa minda yavakarwira kupa vanhu vanozovatsvagira rutsigiro.

Vachitaura nevatori venhau, varwi vehondo yerusununguko ava vakaratidza hukasha uye kushora zvikuru kudzingwa kwasachigaro wavo VaChristopher Mutsvangwa muhurumende uye mudare reparamende. Mumashoko avo kuvatori venhau, vakarwa hondo ava vati havasi kufara nenyaya yaVaMugabe yekungotukirira vanhu vavasingatenderane navo.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri VaDouglas Mahiya vanoti vanorwadziwa nekudzingwa kwevanhu mubato ravanoti ndivo vakarivamba. VaMahiya vapika kuti VaMutsvangwa hakuna kavanoenda.

Mumwe murwi wehondo yerusununguko VaAbraham Tsikwa vabva kuMashonaland East vaudza musangano uyu kuti pfungwa dzavo ndedzekuti varwi verusununguko vasaenda kunopemberera zororo remagamba rinorangarirwa muna Nyamavhuvhu wega wega.

VaHoyini Bhila mumwewo zvakare murwi werusununguko vati nguva yasvika yekuti varwi verusununguko vachinyatsobudirana pachena nehurumende yaVaMugabe

Mumwe murwi werusununguko asina kuda kudowma nezita audzawo musangano uyu kuti sevarwi vehondo vane kodzero yekutaura kuti masimba achazoenda kunani kana VaMugabe vabva pachigaro.

VaMugabe vakambozivisa kuti zvekuda kutaura nezvekuti ndiyani achatora chigaro chavo zvinogona kukonzera kunetsana munyika zvichitoguma zvodzora yavanoti hondo seyakaitika muMatabeleland neMidlands yeGukurahundi. Mashoko aya akabuda mushure mekunge vamwe vakarwa hondo ava vabuda pachena kuti vaizotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika Vaemmerson Mnangagwa.

Vaimbove varwi verusununguko ava vashorawo kuti vatungamiriri vavo vazhinji vanongobva nekudzingwa vakati izvi havachazozvibvumira zvakare.

Vati VaJabulani Sibanda ndivo vakave vekupedzisira kudzingwa. Matunhu ose munyika ange akamiririrwa pamusangano uyu. Musangano uri kuenderera mberi paine tarisiro yekubuda nezvisungo zvekuti vodyidzana sei neZanu-PF.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG