Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoshorwa neKuda kuBhadhara IMF Ichitadza kuBhadhara Vashandi


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Zvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika hazvina kumira zvakanaka zvopa vamwe kuti vayambire kuti nyika inogona kuguma yaenda kumazivandadzoka zvakaitika kuZaire pasi pehutongo hwaMobuto Sese Seko zvakapa kuti nyika iite donga Watonga muzinda wenyuchi.

Nyaya iri kunetsa ndeyekuti hurumende iyo isina kana kobiri yobhadhara here kana kuti kwete mari yechikwereti kuInternational Monetary Fund nemamwe mabhanga nenyika dzekunze kana kuti kubhadhara vashandi vayo.

Gavhuna weRBZ Dr. John Mangudya vanoti vakawana mari kubva kubhanga reAfrican Export Import.

Asi hazvina kujeka kuti Zimbabwe ichapihwa here imwe mari kana yakabhadhara mitero pazvikwereti zvayo.

Mutauriri weIMF VaGerry Rice vanoti Zimbabwe ikabhadhara chikwereti hapana chivimbiso chekuti ichapihwa imwe mari sezvo pari kudiwa kuti itange yagadzirisa zvimwe zvinhu zvakaita sezvegwara rehupfumi nezvematongerwo enyika.

Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti, avo vaimbova gurukota rezvehupfumi, vanotenderana nemaonero aya.

VaBiti vanotiwo Zimbabwe inofanira kubvuma kuti yakundikana yoedza kugadzirisa zviri kunetsa.

Asi Zimbabwe yobhadhara chikwereti chekunze ichi here kana kuti yobhadhara vashandi vayo?

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe VaProsper Chitambara vanoti hurumende inofanira kukoshesa vashandi.

Kubhadhara vashandi kuchanetsawo sezvo Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA yave kukundikanawo kuunganidza mari dzemitero dzinoshandiswa kubhadhara vashandi.

Mumwedzi mina yapfuura, ZIMRA yakakundikana kusvitsa mari yayainge yakatarisira. Zimbabwe iri kukundikanawo kukwezva vokunze vane mari yekutanga mabhizimisi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nenyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambirawo kuti Zimbabwe yakasagadzirisa mamiriro akaita zvinhu, nyika inogona kuzoguma yaenda kunataisireva sezvakaitika kunyika dzakaita seZaire neAfghanistan uko kwakapedzisira kwoita kurwisana.

Kuti izvi zvisaitike, sangano reInternational Crisis Group rinoti Zimbabwe inofanira kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi uye munyaya dzezvematongerwo enyika.

Sangano ravanachipangamazano iri rinoti panofanira kutaurwa pachena kuti VaMugabe vakasiya basa ndiyani achatora masimba uye panofanira kuitwa nhaurirano pakati pebato reZanu-PF nemapato ano pikisa pamwe nemamwe masangano akazvimirira, kuti vanyukure nyika mumoto mayavekudondera.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG