Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzezveMatongerwo eNyika Inoti Africa Iri Kushandisa VaMugabe Kutuka veKunze paHondo yeKuvandudza U.N.


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemutungamiri wenyika yeSierra Leone VaErnest Bai Koroma vari kuita musangano wakanangana nekukurudzira kuti gungano reUnited Nations Security Council rivandudzwe kuti rive nenyika mbiri dzemuAfrica.

VaKoroma ndivo sachigaro weAfrican Union Committee of Ten iyo yakanzi negungano iri itungamire kukurudzira kuvandudzwa kweUnited Nations.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaJoey Mabenge vanoti nyaay yekuda kuvandudza Security Council makwidza.

Asi vati VaMabenge vati nyika dzemuAfrica dzinoda kushandisa VaMugabe kuti vatukirire nyika dzekunze ivo vachiumba hukama hwakana nenyia idzi.

Pamisangano yeUnited nations General Assembly inoitwa pagore, VaMugabe vamowanzotuka nyika dzakabudirira nenyaya iyi.

Gore rapera vakatomboti nyika dzemuAfrica dzinogona kubuda musangano reUN kana risina kuvandudzwa.

Parizvino mu Security Council mune nyika shanu chete dzine masimba akawanda dzinoti America, Britain, France, Russia ne China.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinonetsa kuvandudza sangano iri sezvo nyika dzemu Africa dzichitadza kana kugadzirisa matambudziko ekushaya hutongo hwejekerere.

Nyika dzemuLatin America dzikudawo kuti dzimiririrwe muSecutity Council.

VaKoroma vakasimuka muZimbabwe nemusi weChina vakananga kuSouth Africa.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG