Accessibility links

Breaking News

VaAcie Lumumba Voparura Bato rezveMatongerwo eNyika


VaAcie Lumumba
VaAcie Lumumba

Vaimbova nhengo yeZanu-PF VaAcie Lumumba vaparura bato ravo rinonzi VIVA party muHarare nemusi weChina.

VaLumumba avo vati ndivo sachigaro webato iri vanonzi vange vachitukurira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. VaZhuwawo vakabuda mubato reZanu-PF mushure mekunge vanetsana negurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema VaPatrick Zhuwao.

VaZhuwao vainge vasarudza VaLumumba kuita sachigaro weZimbabwe Youth Empowerment Council asi vakazovadzinga izvo zvakapa kuti vaviri ava vakandirane makobvu nematete.

VaLumumba vanonzi vane makore makumi maviri nemanomwe ekuberekwa uye pasi pebumbiro remutemo havakwanise kupinda musarudzo dzemutungamiri wenyika sezvo zvichida munhu ane makore makumi mana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzataura neStudio 7 dzati zvinonetsa kuti VaLumumba vaite mutsindo mushure mekubatwa mumambure enyaya dzehuori uye kufumurwa apo vakaburitsirwa vhidhiyo vachiita zvepabonde nemumwe musikana.

XS
SM
MD
LG