Accessibility links

Breaking News

ZICODD Inoti Hazvibatsire Kubhadhara Chikwereti Nzara Ichiuraya Vanhu


Mukuru weInternational Monetary Fund Amai Christine Lagarde
Mukuru weInternational Monetary Fund Amai Christine Lagarde

Sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, ZICODD, rinoti Zimbabwe, iyo ine nzara inotyisa uye iri kutadza kubhadhara vashandi vayo, haifanire kungomhanyirira kuti iri kuda kubhadhara zvikwereti vanhu vachinonga svosve nemuromo.

Izvi zvinotevera kushanya kuZimbabwe kwevakuru muWorld Bank neve African Development Bank svondo rapera vachizeya nyaya yekugadzirisa mari dzoberekwa pazvikwereti zvinopfuura bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana masere zvemadhora.

Hurumende inoti nekuda kwekusamira zvakanaka kwakaita goho regore rapera nemwaka uno, vanhu vanosvika mamiriyoni matatu vakatarisana nenzara inotyisa.

Asi imwe nhengo yedare repamusoro muAmerica reSenate, uye vari sachigaro wekomiti yedare iyi yezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaBob Corker, vakanyora tsamba kuhurumende yaVaBarack Obama vachiti havafanire kubatsira Zimbabwe kuWorld Bank neIMF kugadzirisa zvikwereti zvayo kana Zimbabwe isina kutanga yagadzirisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Izvi zvakapa kuti gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mushowe, vati America yave kupindira mumatongerwo enyika yeZimbabwe.

Sachigaro veZimbabwe Coalition on Debt and Development, VaJoy Mabenge, vanoti hurumende inofanira kutevera bumbiro remitemo rinoti mari dzinokwereteswa nyika dzinofanira kuzivikanwa kuti dzashandiswa seyi.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG