Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheYALI Chinopera muWashington Vatatu Vanobva kuZimbabwe Vachiwana Rubatsiro rweMari


Chirongwa cheMandela Washington Fellowship chasvika kumagumo neChitatu muWashington vechidiki vekuZimbabwe vatatu vachifara zvikuru mushure mekupihwa mari dzichavabatsira mukukudza mabhizimusi avo.

Vatatu ava ndiVa Andrew Chikomba, VaFarai Chizengeni naVa Kudakwashe Makuzwa.

Vechidiki ava vakapihwa mari inosvika zviuru makumi maviri nezvishanu zvemadhora nebazi re United States African Development Foundation.

Vatatu ava ndevamwe vechdiki makumi mana vemu Africa vakapiwa mari yekusimudzira mabhizinesi avo mushure mekupedza chirongwa cheMandela Washington Felloship.

Vechidiki ava vachadzokera kunyika dzavo dzakasiyana siyana kutanga neChishanu.

Mumwe wechidiki wemuZimbabwe anga ari muchirongwa ichi, uye ari mutori wenhau anoshandira bepanhau reHerald, Rose Sachiti, anoti afara zvikuru neruzivo raawana kubva kuchirongwa ichi.

Mumwe wevechidiki ari muchirongwa ichi, VaKelvine Mutize, vanoti ivo nevamwe vake vari kufara nekubudirira kuri kuita sangano ravo re Yali Creatives, iro rinobatanidza vechidiki vari munyika dzemuAfrica ravakaumba apo vaive muAmerica.

Va Mutize vanoti vakaita musangano neChipiri nevamwe vavo wekuzeya kuti chirongwa ichi chichafamba seyi kana vadzokera kunyika dzavo.

VaMutize nevamwe vavo vanobva munyika dzakasiyana siyana vakaungana vachitandara pamwe nekuzeya remangwana avo pamabiko akaitwa neChipiri manheru.

Mumwe muzvinabhisinisi wechidiki kuZimbabwe anoshandira ari muWashington, Va Augustine Mhlanga, avo vane kambani ye Swift And Gentle Moving, ndivo vakatsigira mabiko aya kuti avepo.

Vachitaura pamabiko aya, VaMhlanga vakati zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviwanikwe zvichibatsira mumatunhu avonogara. VaMutize vanoti zvakaitwa naVa Mhlanga zvakavabata uye vachayedzawo kuita zvakadai kana vadzokera kumusha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG