Accessibility links

Breaking News

Sangano rePlan International Roita Zvirongwa zveKurwisa Chirwere cheMalaria


Plan International yopa vanhu ma mosquito net ekurwisa chirwere che malaria.
Plan International yopa vanhu ma mosquito net ekurwisa chirwere che malaria.

Sangano re Plan International rinoti chirongwa charo chekuyedza kurwisa chirwere chemalaria nekupa vanhu mambure kana kuti mosquito nets ekushandisa chiri kufamba zvakanaka uye chiri kubatsira mukudzikisa huwandu hwevanhu varikubatwa nechirwere ichi.

Sangano re Zimbabwe District Health Information System Data, rinoti malaria inouraya vanhu vakawanda mumatunhu anoti Manicaland, Mashonaland East ne Mashonaland Central.

Kunyangwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka, huwandu hwevanhu vanobatwa nemalaria munyika wakaderera nezvikamu makumi manomwe nemapfumbamwe kubva muzana kubva muna 2000 kusvika muna 2015.

Huwandu hwevanhu vari kufa hwaderera nezvikamu makumi mashanu nemanomwe kubva muzana kubva muna 2003 kusvika muna 2015. Vanhu zviuru mazana manomwe vanobatwa nechirwere ichi pagore.

Plan International yopa veruzhinji ma mosquito nets
Plan International yopa veruzhinji ma mosquito nets

​Vanoona nezvechirongwa ichi musangano rePlan Internation Muzvare Vimbai Machiwana vanoti vari kushanda munharaunda dzakasiyana siyana munyika uye chinangwa chavo ndechekuderedza huwandu hwevanhu vanofa nekuda kwechirwere ichi.

"Tiri kufara nemafambiro ari kuita chirongwa ichi, uye gwara redu nderekuti chirwere chemalaria chishomeke munyika kusvika chisisiri dambudziko ratinofanirwa kutyira," Muzvare Machiwana vaudza Studio 7.

Vanoti mambure aya anobva kusangano re Global Fund uye vanobvumirana nedingidiri rebazi rezvehutano rekuti “Vision 2020 malaria free Zimbabwe.”

Hurukuro NaMuzvare Vimbai Machiwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG