Accessibility links

Breaking News

Ishe Makore Vanoti Havana Kufara neZvakaitwa naVaTsvangirai Mudunhu Ravo


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Ishe Makore vekumMasvingo mudunhu reGutu South vanoti havana kufara kuti bato reMDC rakaita musangano waro mudunhu ravo risina kuvapira.

Ishe Makore vekumMasvingo mudunhu reGutu South vanoti havana kufara kuti bato reMDC rakaita musangano waro mudunhu ravo risina kuvapira.

Pamusangano wakaitwa kwaGutu nemusi weChipiri, Ishe Makore vakabuda pachena kuti ndeve Zanu PF, vakapika kuti havasi kusiya dunhu ravo richiitirwa misangano neMDC.

Pamusangano uyu vanhu vanonzi vakaenda kumusangano wakaitwa naVa Morgan Tsvangirai nemusi we Mugovera vakaudzwa kuti vachaurayiwa.

Asi Ishe Makore varamba mashoko aya vachiti ivo chavanopokana nacho, kuitwa kwemisangano ivo vasingazive.

Vachitaura pamusangano wakaitwa neChipiri, uyo wakapindwa nemabhuku anosvika makumi matatu, Mambo Makore vakati vari kurwadzikana nevanhu vavo vakaenda kumusangano waVa Tsvangirai vakati havachabvumidzi misangano ye MDC mudunhu ravo.

Ishe Makore vakatiwo vachadzinga masabhuku pamwe chete nemakanzura eMDCT akasangana naVaTsvangirai vasina kuziviswa saMambo wedunhu iri.

Ishe Makore vakapomera kanzura wemubhuku eumnzvimbo iyi anomirira MDC kuita zviri kunze kwemutemo, vakati vachadzinga kanzura uyu mudunhu ravo.

Musangano uyu wakasiya vagari vazhinji vaine kutya sezvo wakavimbisa kudzoka kwemhirizhonga yezvematongerwo enyika mudunhu iri.

Hurukuro naIshe Makore
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG