Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kukutanga Bhanga Rinobatsira Vanhukadzi Chete


Gurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Nyasha Chikwinya, vanoti vari mushishi rekutanga bhanga richange richikweretesa mari madzimai nyore.

Gurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Nyasha Chikwinya, vanoti vari mushishi rekutanga bhanga richange richikweretesa madzimai mari nyore.

Amai Chikwinya vanoti bhanga iri richabatsira vanhukadzi vanoda kutanga mabhizimisi neavo vari mumabhizimisi kuitira kuti vakwanise kuwana mari pasina zvibatiso izvo zinodiwa nemamwe mabhanga.

Amai Chikwinya, avo vanove nhengo yeZanu PF inomirira Mutare South muparamende, vaudza Studio7 kuti vanhukadzi havasi kuwana mukana wekukwereta mari yekushandisa mumabhizimisi avo izvo zvakapa kuti bazi ravo rifunge kutanga bhanga revanhukadzi.

"Uchitarisa huwandu hwevanhukadzi nehwevanhurume, madzimai vemunyika havasi kuwana mukana wekuwaniswa mari nyore asi unowona kuti vane mukana wekudzorera zvikwereti zvakanaka kunyangwe zvazvo vasiri kuwana mukana wekupihwa mari mumabhangi aripo pari zvino," Amai Chikwinya vaudza Studio7.

"Pari zvino tiri kutotaura nemamwe mabhanga kuti vakwanisewo kuve nenzvimbo dzinopa madzimai mukana wekukwereta mari nyore," Amai Chikwinya vanotsanangura.

"Bhanga ratiri kufunga kuparura iri rinenge richinzi Women's Micro Finance Bank, uye mushure meiri kuchaparurwa rimwe bhanga rinonzi Women's Credit and Savings Bank," Amai Chikwinya vaudza Studio7.

Hurukuro NaAmai Nyasha Chikwinya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG