Accessibility links

Breaking News

Madzimai Odzidziswa Kubatsira Madzimai Akazvitakura


아프가니스탄 수도 카불에서 풍선을 든 아이가 길을 걷고 있다.  
아프가니스탄 수도 카불에서 풍선을 든 아이가 길을 걷고 있다.  

Mukuedza kuderedza kufa kwemadzimai akazvitakura pamwe nekuchengetedza hutano hwevagari vekumaruwa, mamwe masangano akazvimirira ave kudzidzisa madzimai kuchengetedzwa kwehutano kuitira kuti vazodzidzisawo vavakagarisana navo kumaruwa.

Mumwe wemadzimai akadzidziswa basa iri kuitira kuti azobatsirawo mamwe madzimai, ndiAmai Rena Round, avo vanogara mubhuku rekwaMambondiani kuDora mudunhu reManicaland.

Amai Round, avo vanopinda chechi yemapostori isingabvumidzi nhengo dzayo kuenda kuzvipatara, vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvikuru nharaunda yavo sezvo pari zvino vamwe vanhu vaisaziva mikova yezvipatara vave kukoshesa kuenda kuzvipatara.

Amai Round vanotiwo kunyange hazvo makore mashoma apfuura vaive nedambudzo remadzimai akawanda aifa vakazvitakura, vanoti dambudzo iri rave kugadzirisika sezvo vari kudzidzisana kukosha kwekunyoresa kana mudzimai abata pamuviri, uye kuita izvi nguva ichipo.

Madzimai aya ari kubatsirwa nemari inobva ku IM Swedish Development Partner.

Sangano reDiocese of Mutare Community Care Programme rinoti rakakwanisa kudzidzisa madzimai makumi mapfumbamwe nemashanu, ayo anoshanda mumawadhi maviri, Ward 11 neWard 35.

Madzimai aya ndiwo anodzidzisa vagari vemunzvimbo iyi inonzi ine vanhu vanosvika makumi maviri ezviuru vazhinji vacho vari mapostori.

VaPeter Mashonganyika vanoshanda ne Diocese of Mutare Community Care Program, uye mumwe wevanodzidzisa madzimai aya zvehutano. VaMashonganyika vanoti vari kufadzwa zvikuru nechirongwa ichi sezvo ndufu dzaderera munzvimbo yavanoshandira iyi.

KuChipinge, chirongwa chekudzidzisa madzimai aya chiri kuitwa nesangano rakazvimiririra rinonzi Community Organisation for Poverty Alleviation in Zimbabwe.

Sangano iri rakadzidzisawo vagari vekuChipinge Ward 17 ne Ward 18 vanosvika makumi masere nevatatu

Mumwe wevari kudzidzisa madzimai kuChipinge, Amai Sarah Mafondora, vanoti kuburikidza nedzidzo yaveko, vanhu vakawanda vava kuziva nzira dzekuchengetedza hutano.

VaWitmore Masengu vanoshnada neIM Swedish Development Partner. VaMasengu vanoti tsvagiridzo yavakaita kudunhu reManicaland muna 2014 yakaratidza kuti kwange kuine vakadzi vakawanda vaifa vakazvitakura, uye zvirwere zvepabonde kumadzimai aya zvaive zvakawanda.

VaMasengu vanotiwo vanhurume vazhinji kunzvimbo iyi vaive vasina hany’a nehutano hwemadzimai avo kunyanya vakazvitakura izvo zvakapa sangano ravo kuti ribatsire nemari yekuti vagari venzvimbo idzi vawaniswe dzidziso yezveutano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG