Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti VaKasukuwere Havabvumidzwe neMitemo Kupa Nzvimbo Dzinovakirwa Dzimba


VaKasukuwere
VaKasukuwere

Dare repamusoro rapa mutongo wekuti gurukota rinooona nezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vari kutyora mutemo nekupa vechidiki vebato ravo nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Gurukota rinoona nezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vaudzwa nedare repamusoro kuti vari kutyora mutemo nekupa vechidiki vebato ravo nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Nyaya iyi yakakwidzwa kudare nesangano revechidiki rinonzi Resident’s Forum richimiririrwa naVaDouglas Mwonzora gweta uye vari munyori mukuru webato rinopikisa reMDC-T.

KuBulawayo VaKasukuwere vakati kanzuru yeko itsvagire vechidiki mastands zviuru makumi maviri. KuNorton panguva yekutsvaga rutsigiro musarudzo dzakazokundwa bato ravo, VaKasukuwere vakati vainge vachizopa vechidiki ava nzvimbo dzekuvakira zviuru zvishanu.

MuHarare munyori mu Zanu-PF Youth League, VaKudzai Chipanga, vakaudza vatsigiri vebato ravo kuti vainge vawana mahekita anosvika chiuru ekuvaka dzimba dzevechidiki vebato ravo.

Mamwe matunhu akapihwa vanhu nzvimbo dzekuvakira aya anosanganisira Chinhoyi neMutare.

Asi kunyangwe hazvo VaMugabe nemusi weMuvhuro pavaiparura hurongwa hwemamiriro akaita zvinhu munyika, kana kuti State of the Nation, vakati hurumende yavo iri kuwanira vechidiki pekuvakira dzimba, vakamboti muna Gunyana, VaKasukuwere vaiita zvehuwori panyaya yema stands.

Sangano reZimbabwe Anti-Corruption Commission rinonzi riri kuongororawo nyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata VaKasukuwere sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaMwonzora vanoti vafara nemutongo uyu vachitiwo VaKasukuwere vange vachityora bumbiro remitemo yenyika.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaChipanga vaudza Studio 7 kuti vari kunze kwenyika uye nyaya iyi yange isati yapinda munzeve dzavo.

Hurukuro naVaKudzai Chipanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG