Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoparura Hurongwa Huchaunza Mabasa


Bato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, raparura chirongwa chekusimudzira hupfumi hwenyika pamwe nekuwanira vanhu mabasa matsva vanodarika miriyoni imwe chete mukati memakore mashanu anotevera.

Vachiparura chirongwa ichi, chiri mugwari rinonzi, Jobs, Upliftment, Investment, Capital Environment, kana kuti JUICE, panzvimbo yemabhizimisi yeHighglen, VaTsvangirai vati dambudziko richanesta hurumende kana vave kutonga inyaya yekuumba mabasa matsva. Asi vati chirongwa ichi ndicho chichapedza dambudziko iri.

Vati nyika ine vanhu vakawanda chose vanoda mabasa uye hurumende yavo ichange ichipa mubairo kune makambani anenge achipinza vanhu mabasa. Vatiwo hurumende ichamutsiridza makambani, maindasitiri pamwe nekuona kuti makambani ekunze auya kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe.

Munyori mukuru mubato reMDC zvakare vari gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vatsinhira mashoko aVaTsvangirai vakati kuti chirongwa cheJUICE chibudirire, vanhu vanofanira kuvhotera VaTsvangirai musarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rinouuya.
VaBiti vatiwo Zimbabwe ichange yave kuita mabhizimisi nenyika dzepasi rese pamwe nedze mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Asi VaTsvangirai vati mushandira pamwe nenyika dzemudunhu reSouthern African Development Community kunonetsa kana nyika dzakaita seSouth Africa dzichiramba kuti Zimbabwe itengese zvinhu zvayo kunyika iyi.

VaTsvangirai vashorawo mutemo weZanu PF wekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvatema, vachiti uri kubatsira vashoma chete pamwe nekudzinga vanoda kuunza mari nehupfumi munyika.

Pane kupokana kukuru muhurumende nekuda kwemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema sezvo veruzhinji vari kusiyiwa muchirongwa ichi, vashoma muZanu PF vachidya vachiguta.

Zanu PF iri kuramba yakaoma musoro nekumanikidza makambani ekunze kuti ape zvikamu makumi mashanu nechimwe kuvatema vemuZimbabwe, izvo zvinonzi zviri kutyisidzira vekunze vanoda kutanga mabhizinesi.

VaTsvangirai vati bato ravo richange rave kukwanisa kuita zvirongwa zvaro rega kutanga gore rinouya apo rinotarisira kukunda musarudzo.

Chipangamazano chegurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaPsychology Maziwisa, vanoti gwaro raparurwa ne MDC-T iri ndere kutsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rinouya sezvo bato iri rakatadza kuwanisa vanhu mabasa mumakore mana aranga riri muhurumende.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG