Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Hupfumi hweNyika Huchakwira Gore Rinouya


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanotiwo hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvingangosvika zvipfumbamwe kubva muzana gore rinouya.

VaBiti vanoti kana zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika zvikaramba zvakagadzikana vanoona hupfumi hwenyika huchikura gore rinouya.

VaBiti vange vachitaura neChishanu pamusangano wekugadzirira bhajeti re gore rinouya ravari kutarisira kuparura musi wa15 Mbudzi.

Ukuwo sangano reZimbabwe National Statistical Office rinoti inflation yadzika kubva pa 3, 64% kusvika pa 3,24 percent mumwedzi waGumiguru, izvo zviri kuonekwa nevamwe sechiratidzo chikuru chekuti zvinhu zviri kugadzirisika munyaya dzehupfumi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nenyaya yesarudzo iri kutaurwa gore rinouya, havaone hupfumi hwenyika huchikura sezviri kutaurwa naVaBiti.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Confederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti zvinonetsa kuti hupfumi hukure nenyaya yesarudzo iri kutaurwa sezvo vemabhizinesi vachida kutanga vaona kuti nyika iri kuenda kupi mushure mesarudzo vasati vadyara mari dzavo munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG