Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neMDC-T Votaura nezveKudyidzana naVaTrump


Bato reZanu PF rinoti richaramba richikumbira hurumende itsva yeAmerica kuti ibvise zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nedzimwe nhengo dzeZanu-PF.

Zanu PF inoti ichasvitsa chikumbiro chayo kumutungamiri mutsva we america, vadonal trump, avo vari kugadzwa nemusi weChishanu. VaTrump vari kutora matomu kubva kuna VaBarack Obama avo vari kupedza temu yavo neChishanu masikati.

Hurumende yaVaObama yakawedzera negore svondo rino zvirango zvakatemerwa VaMugabe. Imwe nhengo yeZanu PF, VaPsychology Mazivisa, vanoti vanotarisira kuti hurumende yaVaTrump ingangoita tsiye nyoro ikabvisa zvirango izvi asi pari zvino havasati vaziva kuti zvichafamba seyi sezvo VaTrump vasati vataura hwaro hwavo panyaya yekudyidzane nenyika dzemuAfrica.

Nhengo yeZanu PF VaPyschology Mazivisa vanoti hurumende nebato ravo havazi kufara nekuwedzerwa kwezvirango zvakatemerwa nyika naVaObama.

“Shuwiro yedu ndeyekuti VaTrump vabvise zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika izvo zvakawedzerwa naVaObama svondo rino kwegore. Ticharamba tichiyedza kuti zvirango izvi zvibviswe sezvo zviri kuuraya hupfumi hwenyika,” VaMazivisa vaudza Studio 7.

Sezvo tichitema tisina kwatakarerekera Studio 7 yataura nemutauriri webato re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vanoti vari kufadzwa nezviri kuitika muAmerica zvekusandura vatungamiri sezvo zvichiratidza hutongo hwejechetere huru munyika iyi.

Obert Gutu
Obert Gutu

VaGutu vanoti Zimbabwe inogona kudzidza zvakawanda kune zviri kuitika mu America sezvo hurumende yeZanu PF ichitonga zvechisimba uye isingade kubva pachigaro.

"Dai tika dzidza senyika kuita izvi kana mamwe mapato akunda musarudzo. Muno muZimbabwe hurumende inoshandisa hudzvinyiriri nemhirizhonga kuti irambe yaka batirira simba kunyangwe mapato anopikisa akakunda musarudzo,” VaGutu vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti zvinofadza kuti America inochengetedza zvido zvevanhu uye ichikurudzira hutongo hwejechetere nerunyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG