Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoudza IMF Kuti Igadzirise Hukama Hwayo neZimbabwe


VaDomenico Fanizza vachitaura naVaDavid Chapfika. (Photo: Irwin Chifera)
VaDomenico Fanizza vachitaura naVaDavid Chapfika. (Photo: Irwin Chifera)

Asi VaFanizza vati hapana rubatsiro ruchapihwa Zimbabwe kudzamara yabhadhara zvikwereti zvayo kuIMF.

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti nekufambiswa kwemari dzaudza chikwata cheInternational Monetary Fund, IMF, chiri kushanya munyika kuti hadzisi kufara nekuti sangano iri harina zvariri kuita mukubatsira nyika nemari kunyange hazvo Zimbabwe iri kuita zvese zvayakanzi iite pasi pechirongwa che Staff Monitored Program

Chikwata ichi cheIMF chaita musangano nekomiti iyi apo nhengo dzeparamende dziri mukomiti iyi dzati hadzisi kufara kuti IMF haina zvairi kuita kuona kuti Zimbabwe yatanga kuwana ribatsiro rwemari kubva kuIMF neWorld Bank.

Sachigaro vekomiti iyi, VaDavid Chapfika, vaudza chikwata ichi chiri kutungamirirwa naVaDomeninco Fanizza kuti chirongwa cheStaff Monitored Program chakatanga panguva yehurumende yemunatanidzwa muna 2013 uye kusvika pari zvino chiri kungoenderera mberi.

Vati munguva pfupi nyika inenge yave kugadzirira sarudzo uye hapana achazenge ave kutarisa nezvechirongwa ichi kana IMF ikasabatsira nekuti munhu wese anenge ave kuita zvesarudzo.

Imwe nhengo yekomiti iyi, VaSamson Mukanduri, vatiwo IMF inofanira kudzora moyo kuti Zimbabwe ikwanise kuwana rubatsiro sezviri kuitawo dzimwe nyika dzinotambura.

Asi VaFanizza vati hapana rubatsiro ruchapihwa Zimbabwe kudzamara yabhadhara zvikwereti zvayo kuIMF. Vatiwo Zimbabwe inofanira kugadzirisa hushamwari hwayo nenyika dzayakakwereta mari vachiti nyika idzi inhengo dzeIMF uyewo ndidzo dzinotora danho rekuti Zimbabwe yobatsirwa here kana kuti kwete.

Vatiwo nyaya iripo haisi nyaya yechikwereti chete asi kuti dzimwe nyika dzinoda kuti Zimbabwe igadzirise nyaya dzekutorwa kweminda sezvayakatsiidza kuti ichaita mubumbiro remitemo yenyika

Vanoti havawoni chingatadzise kuti Zimbabwe ibatsirwe neIMF, World Bank nemamwe masangano kana izvi zvese zvikange zvaitwa.

VaMasimba Manyanya avo vakamboshanda mubazi rezvemari vanoti nhengo dzeparamende dzine kodzero yekutsutsumwa neIMF sezvo pasina zvavari kuona zviri kuitika pahupfumi kubva pakatanga chirongwa ichi.

Vanotiwo hapana ruzivo rwakanyanya pamusoro pechirongwa ichi uye chinodiwa chete inyaya yekuti nyika igadzirise zvinhu zvayo kuti isapedzesera yave kuenda kumasangano akaita seIMF kuti iwane rubatsiro.

Zimbabwe ichekwereti chinodarika mabhiryoni masere kumasangano akaita seIMF, World Bank nedzimwe nyika izvo zvave kuitadzisa kuwana rubatsiro rwemari zvinova zvaita kuti hupfumi hwenyika husasimuke.

VaFanizza nechikwati chavo vari kuongorora chirongwa cheStaff Monitored Program pamwe nekunzwa pfungwa dzehurumende, vemabhizimisi nemasangano akasiyana siyana uye vachandotura gwaro ravo kubhodhi yeIMF muna Kubvumbi apo pachatorwa danho rekuti Zimbabwe yobatsirwa here kana kuti kwete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG