Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoita Manyama Amire Nerongo muZimbabwe Munyaya dzeHutano


Zvinhu munyaya dzezvehutano munyika hazvina kumira zvakanaka zvichitevera kuramwa mabasa kwavanachiremba nekuramba kwavo kutambira mamedical aid cards.

Vanachiremba munyika vakatanga kuramwa mabasa nemusi weChishanu zvichitevera kukundikana kwehurumende kuvabhadhara mari dzimihoro nenguva.

Gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vakazivisa kuti vachabhabhara vana mukoti navanachiremba mari dzemihoro dzemwedzi wapera nemusi wa14 Chikunguru.

Hurumende inoti parizvino haina kana kobiri kunyangwe hayo yakatanga kubhadhara mapurisa nemauto.

Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Fortune Nyamande vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nehurumende. Dr Nyamande vatiwo zvinhu zvichatonyanya kuipa kutanga neChipiri sezvo vakawanda vanenge vobatana navo kusaenda kubasa.

Mukuru weHealth Services Board Dr Lovemore Mbengeranwa vaudza Studio 7 kuti havana humbowo hwakakwana nezvekuratidzira uku.

Vatiwo parizvino ivo seabhodhi havangapindire panyaya iyi sezvo ichiri pakati pehurumende nevashandi vayo.

Zvichakadaro, kuvana veZimbabwe zvinhu zvinenge zvaitiwo mwana atsva dumbu mai vatsva musana.

Vanachiremba vanoti havachadawo kutora mamwe mamedical Aid sekutaura kwaDr Enoch Mayida munyori mudunhu reMashaonaland musangano reZimbabwe Medical Association kana kuti ZIMA.

ZIMA inoti ichabvuma maMedical Aid mapfumbamwe chete anoti Liberty Health, MASCA, Cellmed, CIMAS, Generation Health, First Mutual neNorthen Medical Aid Society.

Vanhu vazhinji kunyanya vashandi vehurumende vari kuPremier Medical Aid iyo yanzi na Dr Mayida haisi kuzotambirwawo.

Izvi zvave kureva kuti vanhu vakawanda munyika avo vari kushaya mari mumabhanga vanenge vonzi vatange vabhadhara mari vasati varapwa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chisina kuda kudomwa nezita chaudzawo nhepfenyuro yeReuters kuti nyaya yekutanga vabhadhara mari kuvaomesera sezvo mumabhanga musina mari.

Chimwe chiri kunetsawo munyika inyaya yekuti zvipatara izvi hazvina mishonga nekuti hurumende haisi kupa zvipatara mari yavakavimbisa mubhajeti yegore rino.

Nyaya Ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG