Accessibility links

Breaking News

Bhanga Guru Roparura Mamwe maBond Notes Mamiriyoni Manomwe


Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya
Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe,RBZ, nemusi weChitatu rakazivisa kuti richaparura imwe mari yema bond notes mamiriyoni manomwe.

Izvi zvave kureva kuti mari yaparurwa inosvika mamiriyoni gumi nemanomwe kubva svondo rapera neMuvhuro.

Vanhu vari kuchema chema kuti mari yema bond notes ndeyemhando yepasi pasi uye zvinyorwa kana kuti ink yacho iri kubuda.

Asi mumashoko kuvatori venhauh, veRBZ vati hapana chakaipa nekubva kwe ink iyi uye kusiyana kwemimwe mitsetse pamari yacho.

Asi kuti mari iri kuburitswa svondo rino ingabatsira dambudziko rekushomeka kwemari?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vanoti mari iyi ishoma uye hapana zvainobatsira.

Vatiwo mari yekubatsira vanotengesa zvinhu zvekunze inonzi incentive haikwanise kuonekwa zvakanyanya ikozvino sezvo vanhu vakawanda vanotengesa zvinhu kunze vakaita sevarimi vefodya vanoda nguva yakawanda kuti vazotanga kurima fodya.

Hurukuro naVaGift Mugano
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG