Accessibility links

Breaking News

Highlanders Yotatsurana neDynamos muIndependence Trophy neChipiri


Dynamos vs Highalnders
Dynamos vs Highalnders

Zvikwata zvinoteverwa nechaunga, Dynamos neHighlanders, zviri kusangana mufainari yeIndependence Trophy mushure mekukunda muma semi fainari.

Vateveri vechikwata che Dynamos vari kupemberera mushure mekunge chikwata chavo chakarova Caps United 1-0 ndokupinda mufainrai yeIndependence Trophy mumutambo wakaunganidza chaunga mu National Sports Stadium neSvondo.

Chibodzwa chakabva kuna Ocean Mushure kwasara maninitsi gumi nematatu kuti mutambo upere, kwaunza mufaro mumusha weDynamos mushure mekupedza kungozvindikitwa kwavanga vachiitwa neMakepekepe kwegore nemwedzi mina yapera.

Dembare yave kusangana neHighlanders mufainari munhandare imwecheteyo neChipiri mushure mekunge Bosso yakadambura FC Platinum 4-3 nemapenereti muBaborufields Stadium mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 0-0 munguva yakatarwa.

Murairidzi weDynamos, Lloyd Mutasa, ari kufara zvikuru nematambiro akaita chikwata chake achiti iye vatambi vake vaive neshungu dzekuda kupedza kudhererwa kwavanga vachiitwa nemaGreen Machine.

Mutsigiri wechikwata chine mukurumbira ichi, VaGeorge Mauto, vanoti vari kufara zvikuru nezvaitwa naMutasa nechikwata chake vachiti ivo vari kutarisira kutora mukombe uyu.

Asi mutsigiri wemaGreen Machine uyo anozviti Baba Morgan anoti Dembare yakaita raki sezvo chikwata chake chakatadza kutamba semazuva ese nemhaka yekunaya kwaityisa kwakaitika panguva yaitambwa mutambo.

Aka ndiko kekutanga kubvira mwaka wapera kuti Dynamos ikunde Caps United pamitambo inosanganisa yehusamwari, yeligi pamwe neyemukombe.

Mitambo yeligi yakatambwa yakapera seizvi

Tsholotsho Pirates 0 Yadah 0

Shabanie Mine 0 Bulawayo City 2

Ngezi Platinum Stars 2 How Mine 0

Chapungu 1 Hwange 2

Munyaya dzekumhanya, vamhanyi vemuZimbabwe venzendo refu vakanokwikwidza zvine mutsindo mumakundo eTwo Oceans marathon kuSouth Africa ayo aimhanywa makiromita anokwana makumi mashanu nematanhatu.

Colleen Makaza akapedza ari pachinhanho chechina mumakundano akaunganidza vamhanyi vanosvika zviuru gumi nezvitanhatu.

Stephen Muzhinji uyo akambotora mukombe uyu katatu akapedza ari pachinzvimbo chechisere achitarisira kuita zviri nani apo achakwikwidza muComrades marathon iyo iriko munyika muna Chikumi.

Mumwe munhanyi wemuZimbabwe aikwikwidza mumakundano evanhukadzi, Tabitha Tsatsa, akaitawo zvakanakana mushure mekupedza ari pachinhanho chechisere.

Vamhanyi gumi vanotanga kusvika ndivo chete vanopihwa mibairo yemari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG