Accessibility links

Breaking News

Chirongwa chePepfar Chofarirwa kuHifa yeGore Rino


Amai Anna Rufu veZACH
Amai Anna Rufu veZACH

Chirongwa chemutungamiriri weAmerica chekurwisa chirwere cheHIV/AIDS che United States President’s Emergency Plan for AIDS Relief, Pepfar, chatora mukana we Harare International Festival of the Arts (HIFA) kubatanidza mitambo nekudzidzisa vanhu nezveHIV/AIDS.

Vanhu vakawanda, zvikuru vechidiki, vanga vachishanyira panga pakaumba Pepfar musasa wayo muna First Street, vanhu vachiongororwa ropa ravo zvisina muripo.

Masangano ari mukurwisa HIV anga achidzidzisa veruzhinji pamusoro peHIV/AIDS pamwe nekuronga mhuri.

Mumwe wevavhenekwa ropa, VaKeleb Chikengezha, vati nhasi ndiko kekutanga kushanyira HIFA vachiti vafara zvikuru kuti vawana mukana uyu pasina mubhadharo.

VaMarshal Nyasha Muchenje, avo vanoita zvemitambo, vatendawo chirongwa chePepfar vachiti pamusoro pekuwana ruzivo rweHIV/AIDS, chirongwa ichi chiri kusimudzirawo vechidiki vanoita zvemitambo.

Vanoshanda nePopulation Services International, Muzvare Eugenia Payi, vati mukana wekusangana neveruzhinji uri kuvabatsira kudzidzisa nezvesangano ravo pamwe nedzidziso dzekuronga mhuri.

Chipangamazano munyaya dzezvekufambiswa kwemashoko mubazi rezvekudyidzana neveruzhinji pamuzinda we America muHarare, Va Sizani Weza, vati kubatanidza kwavari kuita mafaro nedzidziso zviri kubudirira zvikuru.

Mumiririri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry K Thomas Junior, nhasi vashanyira muna First Street, vakati kunyange hazvo Zimbabwe iri kubudirira mukurwisa HIV/AIDS, zvichakakosha kuwanisa veruzhinji dzidziso yakakosha.

Pepfar iri kuita chirongwa cheHIFA pasi pedingindira rekuti, “Start Free, Stay Free, AIDS Free.” Chirongwa cheHIFA chinopera musi weSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG