Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatsirwa neMari yeKubatsira Hutano hweVanhukadzi


Hurumende yeZimbabwe ichitsigirwa nesangano reUnited Nations Children’s Fund, Unicef, yaparura chirongwa chekudzivirira kufa kwemadzimai akazvitakura pamwe nekuti asabatwe nechirwere chegomarara remuchibereko.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chine rutsigiro rwemari inoita mamiriyoni makumi matanhatu emapaunzi yabviswa ne Sweden, Irish Aid, pamwe ne United Kingdom Agency for International Aid, UKAID, gurukota rezveutano, Dr Henry Madzorera, vatenda zvikuru nyika dzapa Zimbabwe mari iyi vachiti hurumene ichashanda zvakasimba mukuona kuti mari idzi dzashandiswa nemazvo.

Dr Madzorera vati chirongwa ichi chakakosha zvikuru, uye chichabatsira madzimai munyika mukudzivirira chirwere chegomarara remuchibereko.

Vatiwo chirongwa ichi chichabatsirawo mukudzivirira mhirizhonga kumadzimai nevanasikana.

Dr Madzorera vati sezvo madzimai mazhinji ari kufa nechirwere chegomararara remuchibereko, cervical cancer, hurumende iri kufara kuti mari zhinji ichaenda kunogadzirisa dambudziko iri. Vatiwo madzimai mazhinji ari kufa nechirwere ichi nenyaya yekushayiwa ruzivo pamwe nekudhura kunoita kuongororwa kwechirwere ichi.

Vati zvipatara zvehurumende, kuburukidza nechirongwa ichi, zvichange zvichivheneka madzimai chirwere ichi pachena pasina mubhadharo. Vatiwo kuvhenekwa kwechirwere ichi kunobva kwaburitsa zvawanikwa zviri mumuviri ipapo, kwete kumira kwenguva yakareba munhu asati aziva sezvanga zvichiitika.

Vanomirira UNFPA muZimbabwe, VaBasile Tambashi, vati sangano ravo rakazvipira mukushanda nehurumende pachirongwa ichi. VaTambashi vati chirongwa chaparurwa ichi chakanangana nekusimudzira hutano hwemadzimai.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru we UKAID, Amai Jane Rintoul, vati hurumende yeBritain icharamba ichiedza nepose painogona napo kubatsira Zimbabwe kuti ikwanise kusimudzira hutano hwemadzimai kunyanya pakupedza mhirizhonga yemadzimai nevanasikana.

Vamwe vanga varipo pangungano iri vanosanganisira mukuru weNational AIDS Council, VaTapuwa Magure, mukuru wechirongwa cheTB neHIV/AIDS mubazi rezveutano, Doctor Owen Mugurungi, vanoona nezvekubudiswa kwemashoko mukanzuru yeHarare, VaLeslie Gwindi, pamwe nemukuru wezvehutano mukanzuru yeHarare, VaStanley Mungofa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG