Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimbabwe Association of Doctors For Human Rights Roshora Kushandiswa Kwehutsi Hunokachidza neMapurisa


Veruzhinji votiza hutsi hunokachidza hwange hwakandwa nemapurisa mushure mekuratidzira muHarare.
Veruzhinji votiza hutsi hunokachidza hwange hwakandwa nemapurisa mushure mekuratidzira muHarare.

Sangano ravana chiremba reZimbabwe Association of Doctors For Human Rights rinoti harisi kufara nehutsi hunokachidza huri kukandirwa vanhu vanenge vachiratidzira nemapurisa sezvo huchikwanisa kuzokonzera zvirwere.

Dr Evans Masitara vanoshanda nesangano ravanachiremba iri vanoti vanenge vakandirwa hutsi hunokachidza kana kudirwa mvura nemapurisa pakuratidzira vanofanirwa kumhanya kumba vobvisa mbatya dzavanenge vakapfeka vodzigeza.

"Tinokurudzira kuti vanhu vanenge vapfapfadzirwa mvura iyi vamhanye kumba kuno bvisa mbatya idzi nekugeza kuitira kuti vasawanikwe vachibatwa nezvimwe zvirwere zvakasiyana siyana. Vanenge vakandwa hutsi hunokatsidza vanofanirwa kuita zvimwechetezvo uye tinokurudzira kuti vatize panzvimbo inenge yakandwa hutsi uhwu," Dr Masitara vaudza Studio 7.

Dr Masitara vanoti pane zvirwere zvakawanda zvinogona kukonzerwa nehutsi hunokatyidza uhu zvimwe zvinozonetsa kurapa.

"Pane zvirwere zvinokonzerwa nehutsi hunokachidza huri kukandirwa vanhu vanenge vachiratidzira munyika pamwe nemvura inovava iri kupfapfaidzirwa vanhu. Hapana anoziva zvinenge zviri mumvura iyi saka isu savanachiremba zviri kutinetsa nekuti zvinhu izvi zvinogona kukonzeresa magomarara akasiya siyana nezvirwere zvemoyo," Dr Masitara vaudza Studio 7.

Veruzhinji munyika vari kuchema chema nerekuti vari kuramba vachishungurudzwa nemapurisa panguva yekuratidzira uye svondo rapera mapurisa akakandawo hutsi hunokachidza mukombi yaive nevanhu vazhinji izvo zvinonzi havifanirwe kunge zvichibvumidzwa.

Hurukuro NaDr Evans Masitara
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG