Accessibility links

Breaking News

Touching Lives Africa Foundation Yotsvagira Vasikana Vanoshaya maSanitary Pads


Muzvare Monica Chiwunda naVaRabson Shumba
Muzvare Monica Chiwunda naVaRabson Shumba

Nekuona kutambura kuri kuita vanasikana pamwe nemadzimai anotambura, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana kuti zviunganidze mari yekutenga nayo zvinodiwa nemadzimai panguva yavo yekutevera, kana kuti sanitary pads.

Muzvare Monica Chiwunda, kuburikidza nechikoro chavo chevana vadiki cheCapital Kids Pre-School chiri muHarare, pamwe chete naVaRabson Shumba, vesangano reTouching Lives Africa Foundation, vari kuunganidza mari kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe pamwe nemakambani kuti vabatsire nekutenga ma pads aya.

Muzvare Chiwunda vanoti vari kuda kuunganidza ma pads anokwana kuita zviuru makumi mana nezvina kana kudarika anokwana kubatsira vanasikana vanosvika zviuru zvitatu nemazana matanhatu.

Muzvare Chiwunda vanoti vakaumba nzvimbo dzinodarika gumi munyika yose dzavachashandisa mukugoverwa kwema pads aya.

Kubva mutsvagiridzo yavakaita, Muzvare Chiwunda vanoti musikana mumwe chete anoda mapakiti matatu ekushandisa pamwedzi.

Muzvare Chiwunda, avo vaimbogara muVirginia muAmerica, vanoti vakabatikana zvikuru pavakadzokera kumusha vachinzwa kuti vanasikana vakawanda havaende kuchikoro pamazuva avo ekutevera, uye vamwe vari kushandisa uswa, mapepa pamwe nendove kuzvidzivirira.

Sangano re Touching Lives Africa Foundation ndiro riri kukokera chirongwa chekutsvagira vanasikana ava ma sanitary pads.

Sangano iri rinowanikwa paTwitter, kuburikidza nekuribata pa @rabsonshumba, Facebook, paInstagram kuburikidza nekuribata pa @rabisonshumba

Vanokwanisa kubatsira vasikana ava vanogona kutumira pavanokwanisa pa EcoCash vachishandisa nhamba dzinoti + 263 774 162 920

Hurukuro naMuzvare Monica Chiwunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG